Chichange chakachaya kuReggae Roadblock

Muchaneta Chimuka

SHASHA dzemusambo weReggae dzichange dzichikwenya magitare padopiro remutambo mukuru weReggae Roadblock, uyo uchaitwa nemusi wa30 Chivabvu muguta reHarare uye gadziriro dzacho dzasvika kwamvura yacheka makumbo.

Mutambo uyu uchange uine vaimbi vemuno vane mukurumbira vanosanganisira Cello Culture, Buhle, Jr Bantan, Mannex Motsi, Mr Muffin, Sniper Storm, Dino Mudondo, Helgah naSatisfaction. Vose vachange vachitsigirwa nechikwata cheHouse of Stone Band chinokotsverwa naMC J Boss

Dopiro iri rinogara richiitwa senzira yekucherechedza kukosha kwemusambo wereggae pamwe netsika nemagariro akanaka.

Reggae Roadblock chirongwa chinoshandiswa zvekare mukucherechedza nhoroondo yemuimbi aive nemukurumbira mumusambo uyu, mushakabvu Bob Marley, apo akauya kuzoridza mhanzi pakawana Zimbabwe kuzvitonga kuzere mugore ra1980.

Muhurukuro pamusangano weRaggae Roadblock, uyo wakaitwa nemusi weChina svondo rakapera muHarare, Rugare Mutasa, anova project director weLet Them Trust, anoti dopiro iri rinodzidzisa zvinhu zvakasiyana-siyana.

“Chiitiko ichi hachisi chemimhanzi bedzi asi kuti tine musanganiswa wezvinhu zvakawanda zvatichange tichiita zvakadai sekutaridza fashoni kubva kuvasoni vemuno, avo vanotsigira vaimbi vedu kuti vange vachiratidzika nehanzu dzinofambirana netsika dzedu sevanhu vatema. Saka uchava mukana wekuti vaimbi vemuno varatidze hunyanzvi hwavo, uhwo hunoita kuti vakwanise kuzokwikwidzana nevamwe vekunze kana kutozogumisira vadeedzwawo kumashoo ekunze,” anodaro.

Mutasa anoti reggae musambo unofarirwa nevanhu vemazera akasiyana-siyana.

Buhle Sharon Ndhlovu, anova mumwe wevaimbi vereggae, anoti agadzirira kutaridza tarenda rake padopiro iri.

“Ndinofarira musambo wereggae, saka kwandiri ndinoti pane reggae ndipo pane hupenyu hwangu. Tinoda kuti nyika yedu irambe isina vanhu vanoshushikana mupfungwa zvakanyanya nekuti mimhanzi yedu ipiritsi rinoporesa,” anodaro.

George Takura, uyo ari mubhizimusi rekusona nhumbi dzemuno nedzekunze (fashion designer), anoti achashandisa mukana uyu kuratidza hunyanzvi hwembatya dzaanosonera vaimbi kuti vange vachiratidzika pamberi peruzhinji, zvichibatsira zvekare mukusimudza mureza wenyika.

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×