Boys dzeSimoko dzadzoka nemoto

CHIKWATA chekumbonetsa nemushakabvu System Tazvida cheBoys dzeSimoko chadzoka mudariro zvakare uye chiri kutarisira kuparura dambarefu racho idzva munguva pfupi iri kutevera.Nhengo dzechikwata ichi dzinosanganisira vaimboimba naSystem vanoti Leeroy Lunga Kamusena, Lucky Mumiriki naIsaac Tazvida.

Vatatu ava vanoti vakavandudza chikwata ichi uye vanofara kuti vatsigiri vavo havana kurasa tariro pamusoro pavo.

“Muchidimbu, ndingangoti vatsigiri vedu ndivo vakatibatanidza patsva sezvo takanga tamboparadzana makore apfuura aya mumwe nemumwe ava kuita zvake. Chivimbiso chedu kuvatsigiri vedu ndechekuti hatina kuvarasa uye tadzoka mudariro nemoto muzhinji chaiwo,” anodaro Isaac.

Anoenderera mberi achiti, “Pachikwata cheSimoko hapana kana chambonyanya kuchinja asi kuti takangodzokerana sezvazvanga zviri kubva mukoma vangu (System) vachiri kutungamirira. Parizvino chikwata chedu tava kuda kuti chishande sekambani kwete kuti chitungamirirwe nemunhu mumwe chete nekuti inzira yekuda kudzivirira kuti chiite sekunge chemhuri asi kuti tipanane mukana wekusimudzira chikwata ichi tose sevanhu vakabva kure nacho.”

Mashoko ake akatsinhirwa naKamusena achiti parizvino vane dambarefiu idzva ravakatogadzira iro vari kutarisira kuti ribude mwedzi unotevera.

“Ndinoda kungotenda vatsigiri vedu ndichiti rambai muinesu sezvo takatogadzira dambarefu idzva nechekare sechikwata. Dambarefu redu iri tiri kutarisira kiriparura muna Mbudzi gore rino iro rinonzi Simoko Revival Zvachose. Padambarefu iri, pane nziyo tanhatu uye dzimwe dzenziyo idzi ndedzinoti Edza zvimwe, Ihama yako, Usaore Moyo, Ongorora naNdiudzde.”

Mumiriki, uyo akamboridza naAlick Macheso mushure mekunge ambosiya chikwata ichi, anotiwo ari kutarisira kushandisa hunyanzvi hwake mukusimudzira chikwata chavo.

“Ndine zvidobi nehunyanzvi zvandakadzidza pandakashanda naMukoma Macheso izvo zvandiri kuona kuti zvichabatsira mukusimudzira Simoko.

“Mukoma Macheso ndakashanda navo zvakanaka, ndikadzidza zvakawanda kubva kwavari izvo zvandinovimba kuti tikazvishandisa muchikwata chedu chatiri kumutsa ichi zvinotibastsira,” anodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *