bumbiro idzva redzidzo…Basa remudzidzisi rashanduka

naChiremba

NOKUDA kweshanduko huru yave muupenyu hwevanhu muZimbabwe uye pasi rose zvaro maererano neruzivo rwezvemichina nekugadzirwa kwayo uye zvekufambiswa kwemashoko, ruzivo rwawandisa zvakare haruperi. Tsvagurudzo dzeruzivo rutsva maererano nemagariro evanhu muzvikamu zveupenyu zvakatsaukana muupenyu hadzichaperi.

Ruzivo rwuri kukura zuva nezuva. Magariro evanhu ari kushanduka nekukasika zvikuru. Shanduko iyoyi inoreva kuti vanhu vanofanirwa kutsvaga ruzivo rwunoenderana nemuraramiro nezvavanoda kuita panguva iyoyo. Naizvozvo ndima yeruzivo iyi yakosha nekukura zvekuti yatove indhasitiri hombe yave kutopa vanhu mabasa mazhinji vamwe vachiita mari dzakawanda.

Izvi zvinoreva kuti dzidzo inofanirwa kugara ichivandudzwa kuti iwirirane nekarikiriki keshanduko kave muupenyu hwedu. Panosvika gore ra2022 dzidzo itsva iyi inokarira kuongororwa zvizere ichionekwa kana zvakaringana kana kupesana nevavariro yedu.

Ipapo ichagadzurudzwa kuti inyatsoti nwee nechokwadi cheupenyu hunenge hworarama vanhu panguva iyoyo. Mushurezve memamwe makore dzidzo iyi ichienderera mberi inozoongororwazve kana ichinge ichiri kuzadzikidza zvido nevavariro yenyika yedu.

Sekuti upenyu hunoramba huchingoshanduka zuva nezuva, zvinotarisirwa kuti dzidzo iyi icharamba ichiongororwa nekugadziriswa kuti iwirirane neupenyu hunenge hwaveko nguva nenguva.

Mudzidzo yedu yekare, vadzidzisi ndivo vaive misimboti uye matenhe eruzivo panyaya dzekudzidzisa vana asika bindurazvinhu muupenyu randataura nezvazvo rasandura chimiro ichi zvikuru. Kare mudzidzisi ndiye aive muzvinadzidzo kusina vamwe, asi nhasi zvinhu zvasanduka.

Sekutaura kwandaita, ruzivo rwawanda. Hakuna munhu mumwe angachanzi anoziva zvose mudzidzo sekuti mundima imwe neimwe mune gungwa reruzivo rwunoda kudzidzwa. Munhu akada kuedza kuziva zvose musoro wake ungatoputike.

Mudzidzo itsva vadzidzi vari muzvikoro vave kukwanisa kudzidza voga vaine rubatsiro rwushomashoma kubva kumudzidzisi uyewo vana vanokwanisawo kudzidza voga vari kumba zviri nyorenyore. Izvi zvinokwanisika kuburikidza nekushandisa indaneti nezvimwewo zvirongwa zvedzidzo zvatekeshera.

Nokudaro basa revadzidzisi rave kushanduka mudzidzo itsva iyi. Pachinzvimbo chekudururira vana ruzivo vadzidzisi vave vananyamukuta vanobatsira vana kuzvara Dzidzo.

Muchikamu chinotevera tichatarisa madzidzisiro matsva mudzidzo itsva.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *