BVUNZA GODOBORI: Zvii zvinotarisirwa pakupereka muroora mutsva?

Muchikamu chino, vaverengi, vateveri veKwayedza nevamwe vanotsigira bepanhau iri vari kupihwa mukana wekubvunza zvimwe zvezvinhu zvinoshamisa, zvisinganzwisisiki nezvakasiyana-siyana zvinonetsa pachivanhu mumararamiro evatema uye vachipindurwa nenyanzvi.

**************

Mubvunzo

Ndiri musikana ane makore 19 okuberekwa uye ndichangobva kuroorwa.

Ndinoda kubatsirwawo nezvinotarisirwa kuitwa nemuroora mutsva apo anonoperekwa kumhuri yemurume anenge amuroora. Ndiri kubvunza sezvo ndiri kutarisira kunoita chiroora munguva pfupi iri kutevera. — S. Jeka, Marondera

Mhinduro

Regai nditange nokuti makorokoto makuru nekupinda kwawaita muwanano sezvo chiri chinhu chinokudzwa pamwe chete nekuremekedzwa zvakanyanya.

Patsika dzechivanhu, kana mukadzi akaroorwa, zviya zvokubvisirwa pfuma, kwete kutiziswa mukumbo, anofanirwa kuzonoperekwa kumhuri yemurume wake.

Mukadzi akadai, kazhinji anoperekedzwa natete vake, hanzvadzi yababa vake, kana kuti ambuya, zvichienderana nemamiriro anenge akaita mhuri.

Muroora mutsva haatangi nekungopinda mumusha memurume wake asi kuti anoperera pachinhambwe chinogona kusvika mamita zana zvichidzika.

Anozofamba pamwe nevaperekedzi vake achipfugama mushure mechinhambwe chipfupi akafugidzwa nejira jena kubva kumusoro kusvika kumakumbo semwenga.

Hama dzemurume wake, madzisahwira neshamwari vanenge vachimupa mari, kunova kumushonongora.

Kana muroora apinda muchivanze chevabereki vemurume wake, anoshonongorwa zvakare nevanhu vanenge vachida kuona chiso chake.

Mushure mezvo, panozoitwa mutambo mukuru wekupemberera, pachiridzwa ngoma uye vanhu vachitamba jiti.

Kune dzimwe nzvimbo, mutambo wekupemberera uyu unogona kutoitwa iri pungwe kwemazuva maviri kana kudarika.

Zuva rinotevera, rungwanangwana, mushure mokunge muroora apinzwa mumusha mavatezvara vake, anofuma achitsvaira chivanze.

Pakuita basa iri, anogona kubatsirwa natete vake nevamwe varoora vagara varimo mumusha uyu.

Marara anotsvairwa anounganidzwa kuita matutu akasiyana-siyana uye haabviswi kusvikira padutu roga roga pakandwa mari nevemhuri yekumurume.

Mushure mezvo, muroora mutsva anozodziisa mvura, iyo anoisa mugate, opa hama dzose dzemurume wake kuti dzigeze. Anovapa zvakare sipo yokugezesa nayo pamwe chete nemafuta ekuzora.

Muchidimbu, uku ndiko kutambirwa kunoitwa mwenga kana kuti muroora mutsva mumusha. Zvakakosha kuziva kuti maitirwo echiroora anosiyana-siyana nzvimbo nenzvimbo.

Ndinovimba S. Jeka nevamwe mabatsirika nemhinduro iyi.

 

Kune zvavanoda kunzwisisa, nyorerai kuna Bvunza Godobori panhamba dzeWhatsApp dzinoti +263 0774 132 838.

 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *