Kubika zvikanganwahama zvine mutsauko

SVONDO rino, tina Tonderai Makonese, wekuZaka, uyo ari kutitsanangurira mabikirwo ezvikanganwahama. Nyama yezvikangwanwahama inonaka zvikuru sezvo isina mafuta akanyanya.

Zvinodiwa

Chikari;

Zvikanganwahama;

Munyu;

Mafuta;

Madomasi;

Mhiripiri

Mabikiro

Cheka zvikanganwahama, uvhure mukati, wobvisa tsvina yose.

Zvigeze, zvinyatsochene; wozviisa muchikari.

Isa chidimbu chekomichi yemvura nemunyu wakaringana.

Zvikwatise kwemaminitsi makumi maviri.

Kana mvura yapera, isa twumafuta twushoma, wochikanga.

Chekerera hanyanisi nemadomasi, woramba uchikanga kusvika zvaibva.

Unogona kuzoisawo mhiripiri kana uchiifarira.

Wozodii?

Kana zvaibva, chigadzirira kuzviruma rurimi nekunakirwa.

Zvikanganwahama unogona kuzvidya zvakadaro. Unogonawo kuzvidya nesadza jena, remhunga kana rezviyo.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude panhamba dzinoti +263 713 411 281 kana kuti +263 773 394 753, kana kutumira paemail: muchaneta. [email protected]

 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *