MAONERO EDU: Kuvanza mhosva kuzvisikira moto muziso

SVONDO rino, tine nyaya inopa chidzidzo chikuru chokuti mhosva hairovi kunyangwe nyakuipara nevamwe vaedze sei kuivanza. Regai vakuru vazoti rina manyanga hariputirwi mumushunje.

Nyaya iyi ndeyeimwe mhuri yekwaMutoko yaive pachipari, apo mwanakomana wavanyachide anonzi akabata chibharo mukadzi mukuru wababa vake kana kuti vahosi, ndokuzovauraya.

Mukubuda kwenyaya iyi, zvinonzi vemhuri yavanyachide vaipomera vahosi kuti muroyi.

Mushure mekupondwa kwavahosi, zvinonzi vemhuri iyi vakagara pasi nanatezvara vavo, ndokuwirirana kuti varipane pamwe chete nekuvanza nyaya iyi kuti isazivikanwe nevoruzhinji.

Asi pamutemo, nyaya iyi yaifanira kunge yakamhan’arwa kumapurisa, nyakupara mhosva akasungwa nekuendeswa kumatare.

Sezvo mhosva isingarovi, nhasi uno, mushure mokunge kwapera makore 13, pane ngozi yave kubuda pamwana wemhuri iyi ichiti inoda kuripwa nokuda kwekubatwa chibharo nekuzopondwa kwakaitwa vahosi ava.

Kubva kunyaya iyi, voruzhinji vanowana chidzidzo chikuru chokuti mhosva hairovi kunyangwe zvodini.

Zvinoshamisa kuti vemhuri iyi vakagara pasi nemadzitezvara avo, ndokuwirirana kuvanzurudza nyaya iyi uye kuti varipane.

Pamusoro pezvo, pamuripo waanonzi akati aida, wemombe neUS$300, tezvara wacho hapana kana chaakapihwa.

Pari zvino, mapurisa ari mushishi kufeya nyaya iyi, kwapera makore 13 mhosva iyi yaparwa, izvo zvinofanirwa kunge zvakaitwa pakutanga.

Pamhosva dzerudzi urwu nedzimwe, vamwe veukama vanowirirana kuti dzisaburitswe pachena, asi kuita kwakadai kupara mhosva zvakare.

Dzimwe mhosva dzinogona kuvanzwa kazhinji ndedzekubatwa chibharo, kana dzichinge dzaitika paukama.

Nyaya dzacho dzinorega kumhan’arwa kumapurisa mushure mokunge vemhuri vawirirana kusaburitsa pachena zvakaitika.

Kunyangwe dzekuroodzwa kwevanasikana vasati vabva zera dzinogona kuvanzurudzwa zvakare.

Hazvifaniri kunzarwo. Kana paparwa mhosva ipi neipi zvayo, inofanirwa kumhan’arwa kumapurisa, mutemo woita basa rawo.

Kuvanzurudza mhosva hakuna kumbosiyana nekuzvisikira moto muziso nokuti chokwadi chinozogumisira chabuda pachena chete, vanhu vopedzisira vave panguva yakaoma.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *