‘Bvunzo dzakafamba zvakanaka’

Muchaneta Chimuka
BAZI redzidzo yepuraimari nesekondari riri kupembedza Zimbabwe School Examinations Council (ZIMSEC) nevatsigiri vayo pakubudirira kwavakaita mukufambisa basa rekunyorwa kwebvunzo dzemwedzi waChikumi dzeO- neA-Level.

Gurukota rebazi iri, Ambassador Cain Mathema, vanoti bvunzo idzi — idzo dzakatanga musi wa30 Chikumi kusvika 23 Chikunguru — dzakanyorwa pachitevedzwa zvinodiwa mukurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

“ZIMSEC yakabudirira zvikuru mukugadzira magwaro akashandiswa mukunyora bvunzo ayo akaendeswa kunzvimbo dzekunyorera dzose zvisina dambudziko. Bvunzo idzi dzakanyora pachitevedzwa nemazvo zvakatarwa nebazi rezveutano nekurerwa kwevana pamwe chete nesangano reWorld Health Organisation (WHO) mukudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19,” vanodaro.

Ambassador Mathema vanoti zvose zvaidiwa mukudzivirira Covid-19 semamasiki nesanitizer zvakaendeswa kunzvimbo dzainyorerwa bvunzo kuti vadzidzi vazvishandise.

Related Posts

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Akazviuraya adyiwa neKandege

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuGokwe, mudunhu reMidlands, akazivisa nezvemurume wechidiki anonzi akazviuraya nekunwa muchetura mushure mekudyiwa mari yebasa nenjuga yeKandege. Kuzivakwashe Gava (22) — uyo aibva kwaSabhuku…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×