‘Zvinongoda kuti uzvichengetedze’

Muchaneta Chimuka
ZVICHITEVERA kuwanda kuri kuita nyaya dzevanhu vari kuwanikwa vaine chirwere cheCovid-19 uye vari kufa nacho muZimbabwe – kunyanya vagari vemumaguta – vakawanda vave kutevedzera mitemo yakatarwa nesangano reWorld Health Organisation (WHO) yekupfeka mamasiki senzira yekuderedza kutapurirana coronavirus.

Coronavirus hutachiona hunokonzera chirwere cheCovid-19.

Kwayedza svondo rino yakaita ongororo muguta reHarare apo yakaona vakawanda vakapfeka mamasiki unova mucherechedzo wekuti vanhu vava kunzwisisa nezveCovid-19.

“Chirwere cheCovid-19 chiriko zvedi, tiri kuzvinzwa pamaredhiyo nepamaterevhizheni uye tichiona vanhu vachifa nacho. Saka zvakakosha kuzvichengetedza nekutevedzera zvinodiwa.

“Ini munzvimbo mandinogara muSunningdale ndine vanhu vaviri vandinoziva vakafa nacho vanosanganisira mumwe mudhara nemumwe musikana ainge abva kuSouth Africa. Saka masiki ini nemhuri yangu hatibvise. Pose patinoenda panzvimbo dzine veruzhinji tinotoona zvichitibatsira kuutano hwedu,” vanodaro Mai Maud Chingodza.

VaRobson Chingodza vanoti vanhu ngavadzidze kuterera zvinenge zvichikurudzirwa neveutano nekuti zvinokoshera upenyu hwavo.

“Vashoma kwazvo vachiri kuita nharo. Hazvichatenderwa zvose zvekutevedza tsika nemagariro vanhu vachikwazisana nemaoko uye kuungana parufu nekuti ndizvo zviri kukonzera kupararira kwechirwere ichi,” vanodaro.

Kuchiti Mai Florence Chikengezha vanotsinhira vachiti zvakakosha kuti vanhu vapfeke mamasiki kana vachienda panzvimbo dzine veruzhinji.

“Ini masiki handibvise, kana kudya pane veruzhinji semubhazi handidye, ndinotodya ndava kumba apo ndinenge ndabvisa masiki yangu. Ndinoiwacha ndoichisa kwete kuita zveuchapa sedzimwe dzatiri kuona dzakasviba kuti ndoo,” vanodaro.

Mai Chikengezha vanoenderera mberi vachiti, “Havasi vose vanhu vakavhenekwa chirwere ichi, nekudaro munhu wose waunosangana naye haasi wekuvimba naye.”

MuZimbabwe makadzikwa mutemo unosungira vanhu mhosva yekusapfeka mamasiki panzvimbo dzine veruzhinji.

Kusvika nemusi weMuvhuro svondo rino, vanhu 5 308 vawanikwa vaine chirwere cheCovid-19 munyika muno mushure mekunge vavhenekwa.

Pahuwandu uhu, 3 8 48 vakatonaya asi vamwe 135 vakafa.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×