Bwanali wePamushana akaita zvinorova

Abel Ndooka
MUTAMBI wenetball wepachikoro chePamushana High School pamwe nechikwata chenyika cheUnder-17,  Sharon Bwanali, akadadisa nguva pfupi yadarika kumutambo weNASH Stellar Netball Tournament uko kwaakahwina mibairo miviri inoti wePlayer of the Tournament newemutambi akanwisa kudarika vamwe vose, pamusoro pemukombe uyo wakahwinwa nechikwata chake.

Bwanali, uyo achanomirira nyika apo vari kutarisirwa kuenda kunokwikwidza kumutambo weConfederation of School Sport Associations of Southern Africa, anoti anonzwa manyuku-nyuku zvichitevera kuhwinha kwaakaita.

Gore radarika, apo Pamushana yakahwina mutambo uyu, Bwanali ndiye akawana zvakare mubairo wemutambi akanwisa zvibodzwa kudarika vamwe.

Bwanali anoti chinhu chikuru kwaari ndeche kuti mukombe weStellar Netball vakauhwina sechikwata.

Anoti mibairo yaanohwina semutambi ega hairevi chinhu kwaari.

“Ini hangu ndiri kufara zvikuru nekuhwina kwandaita uku, ndinotenda Mwari avo vakandipa tarenda iri. Tahwina sechikwata uye ndiri kufarawo nemubairo yandahwinawo ini pachangu.

“Zvinhu zvinofadza uye zvinosimudzira kana tarenda rako richiremekedzwa nemasangano akasiyana. Ndinotenda zvikuru varairidzi vangu vandinoshanda navo pamwe nevakotsveri vedu vemutambo uyu, asi kutenda kwakanyanya ndinopa kushamwari dzangu dzemuchikwata chedu. Dai vasipo ndisingambohwinewo mibairo yakadai.

“Ndiri kupa chitsidzo nhasi kuti mari yandahwina iyi ndichaigovera kune vamwe vatambi vemuchikwata chedu nekuti pasina ivo handaikwanisa kunwisa sezvandaita nhasi.

“Tatamba sechikwata uye tikahwina sechikwata saka zvakakodzera kuti mari iyi yandahwina ndigovere kuchikwata neshamwari dzangu nekuti pasina ivo handiikwanisa kuita zvandaita nhasi,” akadaro Bwanali.

Bwanali, uyo ari kudzidza nebhezari, anoti ari kushuvira kukura mumutambo wenetball uyu uye anotarisira kuzonotambirawo zvikwata zvekunze.

Parizvino anotambira chikwata chenyika kubva muboka reUnder-17 kusvika kune chevakuru.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×