Castle Tankard yoitwa

ACHANGE ari makuwerere svondo rino paMashonaland Turf Club apo panonyanya kuzivikanwa sepaBorrowdale Race Course nemusi weMugovera pamujaho weCastle Tankard Horse Race.

Mujaho uyu uri kukotsverwa neDelta Beverages kuburikidza neCastle Lager nemari inosvika US$50 000 uye gore rino mabhiza 15 ndiwo achamhanya apo richahwinha muridzi waro achapihwa US$30 000 pamwe nemukombe.

Gore rino richange riri rechi53 mujaho uyu uchiitwa kubva pawakatanga.

General Manager weDelta Beverages, Dr Munyaradzi Nyandoroh, vanoti mujaho weCastle Tankard uri kuramba uchikura negore negore uye wabatsira zvikuru kusimudzira nharaunda dzakasiyana pamwe nekuwanisa veruzhinji mabasa.

“Mujaho uyu une nhorowondo inofadza zvikuru uye gore negore unobatsira nharaunda dzakasiyana pamwe nekupinza vanhu mabasa.

“Gore rino tichange tichifamba nedingindira rekuti Perfection in Motion nekuti Castle Tankard zvose zvainoita zvakarongeka,” vakadaro Dr Nyandoroh.

Vaimbi vakaita saTocky Vibes, Winky D nevamwe vanotarisirwa kuvaraidza verunhinji pamakwishu aya.

Gore radarika, bhiza rinonzi Equina ndiro rakahwina mumujaho uhu.

 

Related Posts

Mai Nyamande vodzidzisa vechidiki . . . vakaimba kambo ‘Waita Mari’ naTocky Vibes

Abel Ndooka MUIMBI wechitendero Sidiya Sande, uyo anonyanya kuzivikanwa saMai Nyamande, akabura dambarefu rake rokutanga rinonzi “Waita Mari”, iro rinodzidzisa vanhu kuti vazvininipise. Dambarefu iri rine nziyo dzinosanganisira “Waita Mari”,…

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×