TEZVARA nemuroora vagere vose kumusha kwaChirozva, kwaNyashanu kuBuhera, vanonzi vari kuita makunakuna erudo, munyaya yazengezana munzvimbo iyi.
Manenji aya anonzi ari kuitwa pakati patezvara, VaVerengayi Tagwida (65), nemuroora wavo Emma Chando (34), uyo anova mudzimai waLuckson Tagwida (36).
Tezvara nemuroora vanogara kumusha mubhuku raJombo apo Luckson anenge ari kubasa kuHarare.
Tezvara, muroora nemwanakomana vose vakataurwa navo neKwayedza vakatsinhirana kuti nyaya yemakunakuna iyi iri kutaurwa. Nyaya yekudanana kwatezvara nemuroora inonzi yakatanga apo mudzimai waVaTagwida akashaika, muroora Emma ndokutanga achibikira, kuvawachira tezvara vake vachigara kumusha.
Sezvo murume waEmma anenge ari kubasa nguva zhinji, zvinonzi tezvara nemuroora vanoonekwa nevamwe vagari veuku vachirezvana nekudanana. Vanotaura vanoti Luckson akatopata musha nekuda kwekutorerwa mudzimai nababa vake ndokunogara kuHarare. Emma anonzi anoenda kumba kwatezvara vake, dzimwewo nguva tezvara ava vachienda kumba kwemuroora uko vanonoita madiro.
Kwayedza yakakwanisa kunosvika kumusha kwemhuri iyi svondo rapera ndokuwana tezvara nemuroora ava nemhuri vari mumunda vachichera nekuumbura nyimo pamwe chete.
Vachitanga kubvunzwa, VaTagwida vakamboramba nyaya iyi asi ndokuzobvuma kuti inyaya iri kuzengezanwa neveruzhinji mudunhu ravo.
“Shoko rekuti ndinodanana nemuroora rakasvitswa kwandiri naiye muroora achiti akanga anobvunzwa kumusha kwake nehanzvadzi dzake vachiti sei achidanana natezvara, kureva ini. Muroora aiti akaridzirwa nhare zvakare nehanzvadzi yake nekuda kwenyaya iyi,” vakadaro VaTagwida. Vakapa zita rehanzvadzi yaEmma yakabvunza nyaya iyi saShepherd Chando.
Kwayedza haina kukwanisa kutaura nehanzvadzi iyi.
VaTagwida vanoti havazive kuti mashoko aya ari kumbobva nepi. VaTagwida vakati: “Inogona kunge iri nyaya inorukwa nevavengi sezvo pandakafirwa nemadzimai angu maviri ndakasara ndichibikirwa nekuitirwa zvose nemuroora. Vanhu vane majerasi chete, havadi kuona vanhu vanowirirana nekuti kashoma kuona muroora natezvara vanopindirana sezvandinoita ini nemuroora wangu.”
Vobvunzwa kuti sei nyaya yakadai ichitaurwa kwavari ivo voga munzvimbo ine vamwe varume vakafirwawo nemadzimai saivo, tezvara vakatsengatsenga mukanwa.
“Nyaya iripo hazvishamise kuti ndigare pamba pamwe chete nemuroora wangu nekuti ndiye mudzimai wegotwe rangu. Ini nemwana wangu tinowirirana zvikuru, zvisinei nemakuhwa anobva muvanhu.
“Vanhu vanotanga nyaya dzakadai vanoda kukanganisa hukama hwangu nemwana wangu nemuroora.”
Vanoti mudzimai wavo wekutanga, Sarah Maroko, akashaika mugore ra2008.
“Mukadzi wangu wekutanga akashaika mugore ra2008 ndichibva ndaroora Edith Munyai mugore ra2009 uyo akazofa muna2011. Ndakabva ndasara ndisina mukadzi ndichibikirwa nemuroora uyu zvinova zvisingadiwe nevanhu vanotaura izvozvo,” vakadaro VaTagwida.
Emma akaramba kuti anodanana natezvara vake, kunyangwe zvazvo akatsinhira kuti inyaya iri kutaurwa.
“Murume wangu Luckson akauya kuno kumusha svondo rapera achibva kuHarare uko anoshanda akasvikondibvunza nyaya yekuti ndiri kudanana nababa vake, ini ndikamurambira. Handizive kuti akanobvunzawo here baba uye handizive kuti ndoita sei nenyaya yakadai.
“Tsitsi dzangu dzave kunditsitsirira nekuti ndinovabikira sababa nekuvawachira ndisingazive kuti zvichandipandukira,” akadaro Emma.
“Hanzvadzi yangu chaiyo, Shepherd Chando, akandibvunza ndaenda kunyaradzo kwaShindi achiti nyaya iyi yaitaurwa uyewo yakanga yaporofitwa pachechi – kunzi ini ndinodanana natezvara vangu. Ini ndakazviramba.
“Handizive dzimwe nguva munyama, kunze kwekunge ndichidanana navo zvemishonga pamwe handingazvirambe,” akadaro muroora uyu.
Emma naLuckson vakaroorana mugore ra1997 uye vane vana vashanu.
“Kune vamwe vari kutoti ndine vana natezvara ava,” akadaro Emma.
Anoti aimbogara nemurume wake kuChiredzi, uko aishanda kusvikira akazoenda kuHarare asiya basa.
Emma akabvuma nyaya yekuti pane nguva yaakambotama kumba kwake achinogara kwatezvara vake achiti itsika inoitwa kana vamwene vashaika.
“Kuno vamwene vakafa muroora, mudzimai wagotwe, anomboenda kunopfungaidza imba yavamwene kwenguva ingaite mwedzi mitatu kana mina ozodzokera kumba kwake. Ndizvo zvandakaita ndikazodzokera kumba kwangu asi ndaiuya ndichibika ndichinorara kumba kwangu. Izvo zvekuti baba vanouya kumba kwangu ichokwadi, vanenge vachizodya asi vanodzokera kumba kwavo,” akadaro Emma.
VaTagwida nemhuri yavo vose vanopinda chechi yeZion Apostolic Church. Nyaya yekudanana kwatezvara nemuroora iyi inonzi yakamboporofitwa kuchechi.
Zvisinei, VaTagwida vakatadza kupindura mubvunzo wekuti vainge vasingavimbe here nemaporofita ekuchechi kwavo pane zvavanodudzwa nemweya.
“Tine gungano rechechi yedu nemusi wa19 Chivabvu kwaMuzokomba, kuDefe (kuBuhera). Ndichaisa chikumbiro chekuti vakaporofita vacho vatsinhire zviporofita zvavo uyewo kana paine vanoona chaivo vondinunura panyaya iyi,” vakadaro.
Zvisinei, pakutanga Luckson akaridzirwa nhare dzainge dzapihwa kuvatori venhau nemudzimai wake kanokwana katatu achiramba kuti aisava iye uye asingade kutaura nezvenyaya iyi achiti aisatoziva munhu aidiwa neKwayedza uyu.
“Munhu anonzi Luckson Tagwida wamunoda handimuzive. Imi ndimi ani? Handina chandinoziva panyaya dzamunobvunza,” akadaro.
Kwayedza yaishandisa nhamba mbiri dzinoti 0773 603 932 ne0715 258 505.
Luckson akazobvuma kutaura nyaya iyi pashure ndokuti mashoko ekuti mudzimai wake anonzi anodanana nababa vake ari kubuda kumusha kwavo uye akatosvika pakutaura nababa vake nekuda kwenyaya iyi.
“Imi (kureva Kwayedza) akakutaurirai nyaya iyi ndiani? Ndipei mazita avo. Makamboenderei kumusha (kwangu) musina kunditaurira kuno kuHarare? Musaburitse nyaya iyi veduwe, inondiparadzira musha wangu ndikasiyana nemukadzi,” Luckson akaudza Kwayedza muHarare.
Anoti nyaya iyi yakasvika kwaari ndokubvunza mudzimai wake zvose nababa vake asi vose vakairamba.
“Ndakaenda kumusha ndikanotaura nemudzimai wangu akazviramba. Akazvibvunzwawo nanabhudhi vake. Ivo baba ndakataurawo navo vakazviramba zvisinei kuti vakanga vazvinzwa kare.
“Chokwadi chiripo ndechekuti nemudzimai wangu tiri kuwirirana zvekuti dhuu. Aya mashoko ehama dzinoda kundiparadzanisa nemudzimai nababa vangu kuti musha wedu ufe,” akadaro. Luckson anoti mudzimai wake akamuti anogara mumba mababa vake apo amai vavo vakashaya izvo zvaakati itsika yechivanhu chekudunhu iri.
“Ndini ndinoriritira baba vangu neimwe mhuri saka ishanje dzehama dzangu nekuti vaona kugara zvakanaka kwababa nemudzimai wangu.
“Zvaiita here kuti pamusha apa pabikwe poto mbiri ini ndirini ndinotenga zvekudya? Nyaya iyi yakanosvitswa kumadzitezvara uko vakatibvunza tose nemudzimai”.
Luckson anoti nyaya iyi ichaperera kugungano rechechi yavo yeZion iyo yavanopinda zvose nemadzitezvara.
“Zvitopota zvemaporofita zvichange zviriko, kuchaunganwa kubva musi wa19 Chivabvu kusvika 25 kwaMuzokomba. Saka nyaya iyi kana iri yechokwadi kana kuti kunyepa ndiko kwaichaperera,” akadaro Luckson.
Husiku hwemusi weChitatu chino, Luckson akazotumira mashoko panhare dzemunyori uno achiti Kwayedza isiyane nenyaya iyi uye kana ikangobuda chete bepanhau rino rinenge rave kushandiswa naSatani.
Mashoko anotevera ndiwo akatumirwa naLuckson nenguva dza23:34pm pakati peusiku achidemba kuti: “Vakomana musabatsira SATAN kuputsa musha wangu muchinyora nyaya yenyu, if you publish it, That will show me that you don’t have people at heart”.
Votaura nezvemakunakuna aya, Mambo Nyashanu, VaEneas Kandenga vakati nyaya yekudanana kwemuroora natezvara vakainzwa nerunyerekupe.
“Ini samambo ndave kuchiongorora nyaya iyi zvizere toona chokwadi chiripo. Vanhu ava (tezvara nemuroora) ndichavashevedza kudare rangu, kana tikawana chiri chokwadi tinovapa chirango chavo chakakodzera,” vakadaro Mambo Nyashanu.
Vanhu vakataurwa navo mumusha unogara mhuri iyi, avo vakatya kudurwa nemazita avo, vanoti iyi inyaya iri kunetsa mumhuri iyi, kusanganisirawo kumusha kwemuroora uyu kwaGutu.
“Svondo rakapera chairo Luckson akauya akasvikobvunza mukadzi wake nababa vake mashoko ekudanana kwavo aya. Luckson haanyanye kuuya kumusha nekuda kwenyaya yekunzi mukadzi wake anodanana nababa vake,” akadaro mumwe murume.
VaTagwida nemudzimai wavo wekutanga vakabereka vana vasere uye newechipiri havana mwana sezvo achinzi akafa nepamuviri.




