Mai Nyamande vodzidzisa vechidiki . . . vakaimba kambo ‘Waita Mari’ naTocky Vibes

Abel Ndooka

MUIMBI wechitendero Sidiya Sande, uyo anonyanya kuzivikanwa saMai Nyamande, akabura dambarefu rake rokutanga rinonzi “Waita Mari”, iro rinodzidzisa vanhu kuti vazvininipise.

Dambarefu iri rine nziyo dzinosanganisira “Waita Mari”, rwaakaimba naTocky Vibes; “Izhinji”; “Nyika Ine Minzwa”; “Zvichanaka”; uye “Ndimirire”.

Mai Nyamande, avo vanotungamirira chikwata cheExalt Worship Group, vanoti vakapinda mune zvemimhanzi nechinangwa chokuda kudzidzisa voruzhinji kuti vazive kwavakabva uye vasazorase tsika dzavo.

Vanoti dambarefu ravo rokutanga iri rine dzidziso yokuti voruzhinji kana vazoita mari vasazoshanduke, vasatange kudadira vamwe kana kusiya kunamata, sezvo Mwari varivo vanenge vavapa makomborero, asi kuti vazvininipise.

“Mari yakanaka, hapana munhu asingaidi, asi mari inoshandura vanhu vazhinji, mari ine chitema.

“Saka ini ndiri kupa dzidziso kuti munhu usashandurwe nemari, usarase unhu hwako nokuda kwemari uye usarega kunamata nokuda kwemari nokuti mangwana hauzivi kuti uchazovei.

“Vanhu ngatidzidze kuzvininipisa pane zvose zvatinoita, uye ngatitungamidze Mwari pazvinhu zvose zvatinoita,” vanodaro Mai Nyamande.

Kubva vatanga zvemimhanzi, Mai Nyamande vari kutenderera nyika yose vachiimba kumakereke akasiyana-siyana, vachiparidza vhangeri rekutendeutsa vanhu nekupa chenjedzo kune vechidiki kuti vafuratire zvinodhaka.

Vanoti kushanda kwavakaita naTocky Vibes pakambo “Waita Mari” kwakabatsira zvikuru kuti shoko ravaida kudzidzisa risvike kuvanhu.

“Ndakashanda zvakanaka naTocky, ende zvakabatsira kuti shoko randaida kuparidza kune vechidiki risvike, nokuti vechidiki vanoteerera Tocky.

“Saka ndine chivimbo chokuti shoko raJehovha rakasvika kwavari uye vachatendeuka,” vakadaro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *