Korfball yosimudzirwa muzvikoro

SANGANO reZimbabwe Korfball Federation rinoti riri kutora matanho akasimba akananga kusimudzira mutambo uyu kubirikidza nekutsvaga vakotseveri pamwe nekuti upararire muzvikoro.

Zambuko rodzosera shure budiriro yedunhu

MADZISHE ekuMhondoro ochema-chema nekuipa kwakaita zambuko reparwizi rwaMupfure iro vanoti rodzosera shure budiriro yedunhu iri, zvikuru mabasa ekurima sezvo rakadzikira zvinoita kuti richimbidze kuzara mvura motokari dzotadza

A-LEVEL — PAFUNGE: Rudo naJoe vanonetsana pamusoro pemufananidzo

CHITSAUKO 3 (Nyaya yacho: Enderero mberi) Aneta nekuruka, Rudo aikukura marara mukamba kavo mainge musisazive chinonzi mutsvairo. Tsikidzi anoshaya zvokuita

Handisati ndapera: Norman Maroto

Abel Ndooka MUTAMBI wenhabvu akamboita mukurumbira, Norman Maroto, anoti haasati apera uye ari mushishi kutsvaga chimwe chikwata chekutambira gore rino zvichitevera kubva kwaakaita kuChiredzi FC iyo yaaitambira mwaka wadarika.

Makore 2 vaviga hama yavo . . .Vakazomuona achibva ‘Joni’

IMWE mhuri yekuChitungwiza haina kana neremuromo – muzukuru wayo “wekufira” kuSouth Africa makore maviri adarika, mutumbi wake ndokuvigwa muZimbabwe – akazodzoka pamba gore rino, ari chigwindiri uye achitozvifambira.

Musangano mukuru wekurima woitwa

SANGANO reAfrican Seed Trader Association richaita musangano nemakambani anouchika mbeu emuno neekunze kwenyika kuVictoria Falls nguva pfupi iri kutevera nechinagwa chekupangana mazano maringe nekusimudzirwa kwegoho rezvirimwa

MAONERO EDU: Pinjisi haivake imba, tauriranai

HURUMENDE yeZimbabwe iri kutora matanho akawanda akananga kuchengetedza kodzero dzevanhukadzi pamwe chete nevanasikana. Izvi zvaona mitemo ine chitsama ichikumikidzwa nedonzvo rekuti pasave nekumbunyikidzwa kwevanhukadzi.

Ziunze akaenda nemukombe

MUDZIMAI wechidiki, Varaidzo Ziunze wekuWarren Park, muHarare, ndiye Kwayedza African Woman wegore ra2014. Ziunze akaenda nemubairo mukuru wemakwikwi anokurudzira madzimai kupfeka zvine mutsigo uye zvakanaka uyo waisanganisira

Kutsigira ramangwana risina chirwere cheHIV

Catherine Murombedzi MUKURANGARIRA vose vakatisiya nekuda kwedenda reHIV/AIDS, sangano repasi rose revanhu vanorarama neutachiona hweHIV rinonzi Global Network of People Living with HIV (GNP+) rakazivisa kuti dindingira regore rino rinoti:…

Mukadzi wekurumwa nepinjisi: Vaverengi vofushunura zvimwe

NYAYA yemudzimai wekuUnit O, kuChitungwuza, uyo akabuda muKwayedza svondo rapera achiti aiitirwa hutsinye hwakadaridza nemurume wake wekusvika pakuswinywa nepinjisi uye kupotsa apfekerwa kamba mhenyu nekusikarudzi kwake,

×