Musangano mukuru wekurima woitwa

VaReston Muzamhindo (kubva kuruboshwe) vanove Principal Director kubazi rezvekurima, VaZaranyika, VaChitsiko, VaChigodora naVaWillie Ranby vanove mukuru wekambani yePrime Seeds vachikurukura svondo rino neMuvhuro. — Mufananidzo: Memory Mangombe
VaReston Muzamhindo (kubva kuruboshwe) vanove Principal Director kubazi rezvekurima, VaZaranyika, VaChitsiko, VaChigodora naVaWillie Ranby vanove mukuru wekambani yePrime Seeds vachikurukura svondo rino neMuvhuro. — Mufananidzo: Memory Mangombe

SANGANO reAfrican Seed Trader Association richaita musangano nemakambani anouchika mbeu emuno neekunze kwenyika kuVictoria Falls nguva pfupi iri kutevera nechinagwa chekupangana mazano maringe nekusimudzirwa kwegoho rezvirimwa zvakasiyana.

Vachitaura pamusangano wakaitwa muHarare svondo rino neMuvhuro, mutevedzeri wemukuru weAFSTA, VaDenias Zaranyika avo vanove zvakare managing director wekambani inouchika mbeu muno yeSeed Co, vakati vari kutarisira vaenzi vakawanda zvikuru kubva kune dzimwe nyika.

Musangano uyu uchaitwa kubva musi waKurume 2 kusvika 5.

“Pari zvino tine vaenzi vanodarika 300 vakabva kunyika 50 dzakasiyana zvekuti mahotera edu ekuElephant Hills Resort akatozara.

Musangano uyu uchange wakakosha zvikuru kuvanhu vari muindasitiri inoona nezvembeu muAfrica kuti vange vachiita hurukuro maringe negadziriro ingaitwe mune remangwana kuti tinge tichibudirira uye nyaya dzekutengeserana,” vakadaro.

VaWalter Chigodora vanove mukuru weZimbabwe Seed Traders Association (ZSTA) vakati masangano mazhinji akaratidza chido chekupinda musangano uyu.

“Zimbabwe inozivikanwa nehunyanzvi hwekugadzira mbeu dzemhando yepamusoro uye ine hupfumi hwayo hunobva muvhu kuburikidza nekurima kwakanaka. Musangano uyu uchaita kuti varimi vange vachiwaniswa ruzivo rwechizvino-zvino urwo rwavachashandisa muno mukugadzira mbeu,” vakadaro.

Munyori mukuru kubazi rezvekurima nekusimudzirwa kwemadiridziro, VaRingson Chitsiko, vakati musangano uyu wakakosha zvikuru nekuti uchabatsira mukuvandudza goho renyika.

AFSTA isangano rakavambwa mugore ra1999 nechinangwa chekusimudzira kutengeserana kwembeu dzemhando yemapusoro pamwe nekufambiswa kwemashoko pasi rose.

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×