Zambuko rodzosera shure budiriro yedunhu

MADZISHE ekuMhondoro ochema-chema nekuipa kwakaita zambuko reparwizi rwaMupfure iro vanoti rodzosera shure budiriro yedunhu iri, zvikuru mabasa ekurima sezvo rakadzikira zvinoita kuti richimbidze kuzara mvura motokari dzotadza kudarika dzichienda kwakasiyana.

Ishe Chivero, VaBrown Shopo (62), vanoti munguva ino yezhizha varimi vanosangana nedambudziko rezvifambiso nekuda kwemamiriro ezambuko iri.

“Tine varimi vanorima matomatisi nezvimwe zvirimwa zvinoda kukurumidza kutengeswa munguva ino yezhizha avo vasingagone kuyambuka zambuko iri. Zambuko iri rinoganhura nzvimbo dzemadzishe anoti ini Chivero, Nyamweda, Mashayamombe, Rwizi naGora pamwe growth point yedu yeMubayira. Nekudaro vamwe varimi vanoda kuyambuka rwizi urwu, vangave nezvikochikari kana motokari, havakwanise,” vakadaro.

Mugwagwa une zambuko iri weSkyline- Marirangwe-Mubayira-Chegutu wakaipawo zvikuru unova wegiravhuru sezvo uine makomba-makomba.

she Chivero vanoti vakambovimbiswa nekanzuru yavo yeChegutu kuti zambuko iri raizovandudzwa kuburikidza nemari yehomwe yeMhondoro Share Ownership Trust asi pari zvino hapana chati chaitwa.

“Tine mari yeTrust inofanirwa kushandiswa kuno kuMhondoro, Zvimba nekuMusengezi takatarisana nemabasa ebudiriro, zvikuru kugadzirwa kwemigwagwa nemazambuko nezvimwewo,” vakadaro.

Mumwe mugari wemudunhu iri, VaSylvester Gambiza (60), vanoti ivo sevarimi vanoguma vave kutengesa zvirimwa zvavo munharaunda yavo nemitengo yakadzikira nekuda kwekushaya mafambiro kuenda kumisika.

“Izvozvi tinenge tiine matomatisi atinoda kunotengesa kwaMubayira asi tinotadza kuyambuka rwizi urwu rwakazara zvinoreva kuti tinoguma tave kugara nezvirimwa izvi mudzimba zvoguma zvawora torasikirwa,” vakadaro VaGambiza.

Related Posts

‘Ndiri kuda kudya nyama yemunhu’

Kingstone Mapupu MWANASIKANA ane makore 21 okuberekwa anobva kwaSabhuku Mugugu, mudunhu raMambo Zvimba, kwaZvimba, anonzi atambudzwa nemweya wave nemakore matatu uchisvika paari, uchitaura kuti unoda kudya nyama yemunhu. Mwanasikana uyu…

‘Hondo’ yekurwisa kutorwa kwezvinodhaka yakora muto

Munyori weKwayedza ZVINODHAKA nezvimwe zvisingatenderwi zvinokosha ZiG80 miriyoni zvakatorwa kubva kune vanozvitengesa panguva iyo Hurumende iri kusimbaradza nyaya yekurwisa dambudziko iri, Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro Dr Zhemu Soda vanodaro.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *