DETEMBA TINZWE: Musikana weusiku
naAmanda Chirambadare Vhu-u chasvika chivhindikiti chigwindiri chomwanasikana Paari hapana chinoshoreka unogutsikana Runako rwake rwunokandisa mapfumo pasi Ndabva ndangogwadama ndarara pasi. Ndiro rake basa iri rousiku. Masikati anenge akati rukutu Ndiko…
Kuripa nembwa zvinoita: N’anga
NYANZVI dzezvechivanhu dzinoti kuripa ngozi nembwa zvinotenderwa sezvo mweya wemufi uri iwo unotsanangura maripirwo anofanirwa kuitwa.
Ambuya vakabongomora vatukwa nemukuwasha
Hardway Nyakuwarwa MUKUWASHA akatukirira ambuya, amai veaimbova mudzimai wake, kusvikira vachema padare mushure mekunge vamumhan’arira nenyaya yekusachengeta mwana waakaita nemubvana wavo uyo ari kuSouth Africa.
Ndakapotsa ndafa: Mkwesha
SHASHA yakambonetsa mumutambo wenhabvu ichitambira zvikwata zvinoti Dynamos FC pamwe neCAPS United, Freddy Mkwesha, akabuda muchipatara umo maakagara kwemasvondo matanhatu achirwara nechirwere cheshuga.
‘Unoda kuponda mwana wako iwe’
Garnet Zvimba VANHU vaive mudare vakashamiswa apo mumwe mukadzi akati murume wake anoda kuuraya mwana wavo kuitira kuti asabvise mari yemendenenzi.
— Mwedzi yepagore —
CHISHONA CHIRUNGU Ndira January Kukadzi February Kurume March Kubvumbi April Chivabvu May Chikumi June Chikunguru July Nyamavhuvhu August Gunyana September Gumiguru October Mbudzi November Zvita December
‘Ndakaponda ndikaripa, ngazvichipera’
MUMWE wevanhu vari kunzi ndivo vari pamwongo penyaya iyi, akabvuma kuti vakaponda Bhaureni Chiimbira aine mukoma wemufi anovawo sahwira wavo, mugore ra1978.
Mwana (2) akafa awirwa nechivezwa
MWANA wekuChitungwiza ane makore maviri okuberekwa akafa rufu rwunorwadzisisa svondo rapera mushure mekutsitsirwa nechivezwa chedombo apo aitamba nevamwe.
— Mazita esvondo —
CHIRUNGU CHISHONA Sunday Svondo Monday Muvhuro Tuesday Chipiri Wednesday Chitatu Thursday China Friday Chishanu Saturday Mugovera
Oti kumba kwake ijeri
Garnet Zvimba MUMWE murume akashamisa vanhu vaive mudare apo akati mukadzi wake ari kuramba kuti vana vavo vanodzidza kumusha sezvo upenyu hwavaomera achiti zvinotova nani kuti aite zvezvikomba kuti awane…


