Mutemarege une makuva

Catherine Murombedzi SVONDO rino ndati ndidzokorodze kunyora pamusoro pedambudziko riri kuramba richiitika munyika muno revanhu vari pamaARV avo vari kupedzisira vasisanwe mapiritsi sezvakatarwa.

MAONERO EDU: Uku une foni, uku zvechikoro bodo

MAZUVA ano kufambiswa kwemashoko kwave nyore zvichitevera kuuya kwenzira dzakasiyana dzakaita sedandemutande pamakombiyuta nepanhare.

Mwedzi miviri vachidya pamwe nemanyinyn’inya

PANE murume anogara kuGlen View 7, muHarare, uyo anorarama nekuita mabasa emawoko ari kuti akaona mashura pane chimwe churu paaikanyira zvidhinha apo akashanda nenyinyn’inya kana kuti dzimudzangara kwechipo chemwedzi miviri,

GRADE 7: ChiShona chinoda sungawirirano

Ticha Danga KANA zanda (zai) rikaputsika zvichibva nekunze hupenyu huri mukati hunorasika asi kana zai rikapunzika richibva nemukati panoita hupenyu hunobuda.

Vadzidzisi 13000 vangangosiya basa

VADZIDZISI 13 000, avo vane madhigirii kana madiploma asiri ekudzidzisa, remangwana ravo harina kujeka zvichitevera chisungo cheHurumende chekusavapa mumwe mukana wekuti varambe vachifundisa ichiti havana kukodzera kuita basa iri.

Nhare dzeWhatsApp kuzrp Support Unit

KAMBANI inogadzira nharembozha, yeBusiness Optimization Sytems – iyo inozivikanwa seBos – svondo radarika yakapa nharembozha shanu dzerudzi rweBOS Immerse X4 dzekushandisa paWhatsApp kumadistricts mashanu emapurisa eZimbabwe

O-LEVEL — MAKUNUN’UNU MAODZAMWOYO: Mujubheki anopa Monika rokwe

CHITSAUKO 2 (Nyaya yacho: Enderero mberi) Mbatya dzaaitengera mukadzi wake anoti dzaipfekwa nevakadzi vevaRungu vakakwirira chete. Anoda kuroora mukadzi wekunogara naye Jubheki. Monika anobvunza kuti zvino mukadzi wacho aizogona here…

Champions yotsigira mitambo

KAMBANI yeChampions Insurance inoti gore rino yakatarisira kusimudzira mitambo muzvikoro, kunyanya wegorofu uyo usati wava kukosheswa muzvikoro zvizhinji.

‘Dzidzisai vana zviri mumasyllabus zvose’

GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti zvakakosha kuti vadzidzi vafundiswe zviri muma‘‘syllabus” zvizere kuitira kuti vasasangane nematambudziko emibvunzo yavasina ruzivo nayo panguva yebvunzo.

Akarohwa sikarudzi nemheni kwaRusape

Hardway Nyakuwarwa MUNYAYA inoshamisa nekusuwisa, murume anogara kuVhengere, kwaRusape, akapona nepaburi retsono apo akarohwa nemheni panhengo yake yesikarudzi munguva pfupi ichangodarika.

×