DETEMBA TINZWE: Zimbabwe

naNaidence P. Mutini Heinoi nyika yedu yechipikirwa, Nyika inoerera uchi nemukaka. Isu vadiki tinomhanyidzana kuenda kuzvikoro, Vana maiwo ravorendiro vomhanyamhanya. Chembere kumusha dzotekaira dzakananga kundari. Hurudza dzofara dziri mumapindu, Voshandisa…

Amai vakatiza vana . . . ndokunodyira Kisimusi kuchikomba

MUDZIMAI wechidiki wekwaSeke, wekutiza vana vake vaviri kwesvondo rese achivasiya vari voga, akaigochera pautsi zvichitevera kubatwa kwaakaitwa nemhosva yekuitira vana utsinye ndokutongerwa kunofondoka pasina mubhadharo.

NDIRI kutsvagawo mukadzi ane makore 26

NDIRI kutsvagawo mukadzi ane makore 26 zvichidzika, ini ndine makore 30 nevana 2. Nhamba dzangu idzi chero nguva 0774 806 180.

Gadhi nemusikana webasa zvaburana

MUSIKANA anoshanda mumba, wekuti akamitiswa nagadhi, akazodya magaka mambishi mudare achiti anoda mari yekuchengeta mwana. Rumbidzai Mutandakamwe akamhan’arira Taurai Mamvato kuHarare Civil Court achida mari

Siyai vana nemafoni avo: Dokora

VAKURU vezvikoro vanofanira kufambirana neruzivo rwechizvino-zvino nekuti rwunoita kuti kufambiswa kwemashoko kuve nyore, gurukota rezvedzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora vanodaro.

Akazvikanda mudhamu arambidzwa kutizira

MUSIKANA wechidiki wekuMudzi akasarudza kuzviuraya mushure mekunge vabereki vake vanomutora kumukomana waakange atizira.

Szczesny haachafe akatambira Arsenal: Tomaszewski

SHASHA yakambonetsa ichibatira nhabvu nyika yePoland, Jan Tomaszewski, anoti anofunga kuti Wojciech Szczesny haachambofe akatambira Arsenal zvekare mwaka uno uye anofanirwa kutsvaga chimwe chikwata uko anoenda nechikwereti

Ebola haiparadzirwe nehumhutu

CHIRWERE cheEbola chiri kuramba chichitekeshera kunyika dziri kuWest Africa uye kushaya ruzivo pamusoro pedziviriro pamwe nekupararira kwacho ndiko kuri kuwedzera dambudziko redenda iri.

Cde Chinos vovakisa chikoro chemabasa

VECHIDIKI kudunhu reBuhera South vanotarisirwa kubatsirikana zvikuru nechikoro chitsva chemabasa emawoko icho chiri kuvakwa pedyo nenzvimbo yemabhizimisi yeMushongwi kuburikidza nenhengo yeParamende inomirira dunhu iri, Cde

Gadziriro dzeparalympics dzotanga

GADZIRIRO dzemakwikwi emaNational Paralympic Games ayo akangana kusimudzira matarenda evanhu vanorarama nehurema mune zvemitambo dzotanga.

×