Buhera yotarisana nenzara

VARIMI vekudunhu reBuhera vangangotarisana nenzara huru zvichitevera kunyukurwa kwakaitwa zvirimwa zvavo nemvura zhinji iyo yakanaya nguva pfupi yadarika.

2015 ndewangu: Mambare

MUTAMBI weDynamos FC nemaWarriors, Masimba Mambare, uyo akapedza mwaka wenhabvu wegore radarika akakuvara anoti ari kushanda nesimba kuti gore rino ange akasimba agokwanisa kutambira chikwata chake ichi zvine mutsindo.

Mupositori akazovigwa asisina muromo, mhuno

IMWE mhuri yekwaChirozva, kwaShe Nyashanu kuBuhera, yakasara izere nekushamiswa kukuru apo vakazoviga mutumbi wehama yavo wan’abvurwa-n’abvurwa kudyiwa kumeso kwose nezvinhu zvisina kuonekwa.

Varoyi kana makonzo: N’anga

NYANZVI dzezvechivanhu dzakapa mafungiro akasiyana pamusoro penyaya yemutumbi wemunhu unonzi wakazovigwa kuBuhera usisina dzimwe nhengo.

Vezvidzidzo zvekurima voshaya mabasa

SANGANO rinomiririra varimi reZimbabwe Commercial Farmers Union rinoti riri kushushikana zvikuru pamusoro pekushaya mikana kwevanenge vapedza zvidzidzo zvekurima kumakoreji kuti vataridze hunyanzvi hwavo mubasa iri. Vachitaura pamusangano wekuzeya mazano ekuvandudza…

Ndinouchirwa nemagadziko: Mambo Chundu

MADZISHE, masvikiro nevanhu vekunzvimbo dzakasiyana dzenyika yeZimbabwe vane tsika dzavanotevedza kubva nakare, idzo dzimwe dzacho dzinoshamisa zvekuti munhu akazvinzwa anofunga kuti zvimwe ije-e asi chiri chokwadi.

Akatibura mukadzi padare

Hardway Nyakuwarwa MURUME wekunzi anoputa mbanje, uyo akawatsura mukadzi wake nembama vachangobuda mudare, akazozvidemba apo akasungwa nemapurisa ndokuvharirwa nemhosva yekuita mhirizhonga pamatare.

‘Musatenge mishonga yemikoto’

BAZI rezvekurima nekusimudzirwa kwemadiridziro rinoti riri kushushikana zvikuru nekutengeswa kuri kuitwa mimwe mishonga inoshandiswa nevarimi pamusika wemukoto sezvo zvichigona kuve nenjodzi huru kune vanozoishandisa.

zrp yoenda kumaAfrican Club Championships

CHIKWATA cheZimbabwe Republic Police Support Unit Volleyball Team chiri kutarisirwa kutanga gadziriro dzekuenda kumutambo weAfrican Club Championships Volleyball Tournament uyo chatambwa muna Kurume.

‘Man U inoda kutenga Otamendi’

VALENCIA yakazivisa kuti pane chikwata chevanhu chakauya kwavari chichiti chinoda kutenga mutambi Nicolas Otamendi nemari inosvika 27 miriyoni paunzi – asi havasi kuzotaura zvakawanda pamusoro penyaya iyi parizvino.

×