Mufundisi chimbonyararaiwo kani
CHIMWE chezvikonzero zvinouyira vanhu kuchechi kuti vakwenywe pari kuvavava. Vanhu vazhinji havasisina hama neshamwari dzekutaura nadzo zvakadzama. Kana vaine hama, dzinenge dzichigara kure, uye kutaura kwepafoni hakuna hunhu zvakare kunodya…
FC Platinum, Harare City dhuma-dhuma pa’doro’
KUNENGE kusingadanwe anonzwa svondo rino kunhandare yeMandava Stadium kuZvishavane uko FC Platinum ichasangana neHarare City mufainari yemutambo weChibuku Super Cup.
Vabereki vakarova maticha: Chikoro chikatombovharwa, Vakazoripiswa mombe ina
IMWE mhuri yemubhuku raTadyamukonde, kwaShe Saunyama, kuNyanga yakamuka chibhebhenenga ndokuzvambaradza vadzidzisi vepachikoro chiri munzvimbo iyi kunge nyoka yapinda mumba apo vaivapomera
Ngozi yoda zvose: Mhandara, mombe 73, mbudzi nehuku
NGOZI yemurume wekwaShe Saunyama, kuNyanga, uyo anonzi akapondwa mugore ra2011 iri kuita kubaka semoto mumhuri ina sezvo mweya wacho uchiti unoda kuripwa nemhandara, mombe 73, mbudzi nehuku
Akadyiwa-dyiwa ‘nezvinhu’ . . . Dakara azofa . . . Aiona sekunge mazimbwa . . . Mazizi ndokumhara paguva
MUNYAYA inofungirwa kuti ine chekuita nehuroyi, mwana wepachikoro cheSt Mathias Ruswa Secondary School, kwaRuzanhi kuHwedza, akafa rufu rwunoshamisa apo anonzi airumwa nezvinhu zvaiita sembwa mbiri, izvo
Roosevelt yakazviita: Zvikoro ngazvitsvage dzimwe nzira dzemagetsi: Dr Sibanda
ZVIKORO zviri kukurudzirwa kuva nehutsanzi hwekutsvaga dzimwe nzira dzekuti zviwane simba remagetsi zviri nyore sekushandisa biogas zvichitevera kuenda-enda kunogara kuchiita magetsi munyika.
‘Dhibhura’ akabura dambarefu
MUIMBI ari kusimukira mumusambo wenziyo dzechitendero uyewo achiita zvemitambo yemadhirama, Clifford ‘Dhibhura’ Makonese, akabura dambarefu idzva rinonzi Ndaipei iro rine dziyo nhanhatu.
Kurima fodya nekuchengetedza nharaunda
Steve Mapfumo KUNYIKA dzakawanda dziri kurimwa fodya zvinotaridza kuti nharaunda dziri kukanganiswa, zvikuru apo varimi vanenge vachitema miti nechinangwa chekuwedzera minda yavo kana kuti vachitsvaga huni dzekupisa fodya.
Saurombe akahwapura mukombe
SHASHA yemutambo wegorofu, Robson Saurombe, svondo radarika ndiye akahwina mubairo mukuru wemari inosvika US$3 600 pamutambo weGolden Pilsener Harare Open uyo wakatambirwa paChapman Golf Club
Mwana akafira R1
MWANA wemakore mapfumbamwe okuberekwa wekuZengeza 3, kuChitungwiza anonzi akafa nekurohwa naamainini vake, munin’ina waamai, avo vaimupomera kuba R1.










