Nyoka yambuya inoita chidanda. . . ndakavaona vachiiyamwisa

Tendai Gutikwa ari kuCHIMANIMANI VAGARI vemubhuku raNenohwe, kwaMambo Mutambara, kuChimanimani, avo vaive padare reshe ava svondo rapera vanonzi vakasara vasina neremuromo zvichitevera kusanduka kwakaita zimukweshwa renyoka — iro raive rabatwa…

Mbuya (88) vakaponda sekuru (99)

Kingstone Mapupu CHEMBERE yekwaMutoko ine makore 88 okuberekwa yakasungwa nemapurisa eko ichipomerwa mhosva yekuponda murume wayo mushure mekunge vanetsana pamusoro penyaya yekutakura bhinzi kubva kumunda vachidziendesa kumba. Nyaya iyi yakaitika…

‘Munotikoshera imi vanhukadzi’

Muchaneta Chimuka HURUMENDE inopembedza mabasa ari kuitwa nevanhukadzi avo vakazvipira kubatsira mukurwisa chirwere cheCovid-19 munharaunda dzavagere (social workers) kusanganisira kupepa varwere nekupa dzidziso yakakosha pamusoro pedenda iri. Vachitaura pakucherechedza zuva…

Opinzwa machena nerwaivhi

Kingstone Mapupu MURUME anogara mumusha weLochnvar, muguta reHarare, anoti “apinda machena” nekutengesa marwaivhi nemhashu kana kuti hwiza kun’anga nemaporofita avo vanozvishandisa mumabasa avo. Chris Dimatsi (25) anoti ari kutorarama nekutengesa…

Maonero Edu: Musapfachure zvamakohwa

MWAKA wekurima wa2020-2021 waratidza kuti wanga wakanaka zvikuru. Kunaya kwemvura zvakanaka, pamwe chete nekurongeka kwezvirongwa zveHurumende zvekurima zvinosanganisira chePfumvudza, zvaita kuti pasave nechichatadzisa nyika yeZimbabwe kuva nemaguta. Kungotenderera nenyika, hakuna…

Bembera padare: Chakawana hama hachisekwe

naWedzerai Nhemachena NGUVA zhinji patinoenda panenge pashaya munhu, tinonzwa pachiimbwa rwiyo “Ndimi makauraya, ndimi makauraya hazvina mhosva pahukama”.  Pamwe tinokahadzika kuti ko hama dzagourayana sei, zvinenge zvambofamba sei kuti zvidaro? …

Zororo rePasika: ‘Ngwarirai Covid’

Tandayi Motsi HURUMENDE inoti pachave nekufamba-famba kwakanyanya kwevanhu panguva yezororo rePasika izvo zvine njodzi yekukonzera kupararira kwechirwere cheCovid-19, nekudaro bazi rezveutano nekurerwa kwevana riri kutora matanho akakodzera ekumisa denda iri,…

Rubatsiro rwombomiswa

Munyori weKwayedza CHIRONGWA chekubatsirwa kwevanhu vanotambura nechibage chichambomiswa munaKubvumbi uye Hurumende ichapa ruyamuro kumhuri dzichatadza kuwana goho rakanaka mwaka uno apo nyika iri kurwisa chirwere cheCovid-19. Izvi zvakaziviswa negurukota revashandi…

Vopihwa nguruve pachena

Abel Ndooka SANGANO reWomen in Agriculture Union (WAU) riri kusimudzira vanhukadzi zvichitevera kudzorerwa kwavakaitwa kumashure nechirwere cheCovid-19 kuburikidza nemabhindauko anosanganisira kuvapa pachena nguruve dzokupfuya. Muhurukuro neKwayedza, Mai Olga Nhari –…

Kukosha kwemvura mukurwisa Covid-19

Muchaneta Chimuka SANGANO reMiracle Missions Clean & Green, richishanda neCommunity Water Alliance (CWA), Spar nekanzuru yeHarare, nemusi weMuvhuro vakabatsira vagari vekuTafara neMabvuku nemidziyo yekushandisa pakurwisa chirwere cheCovid-19. Izvi zvakaitwa musi…

×