Kushomeka kweropa neCovid
Abel Ndooka SANGANO rinomiririra vanhu vanorarama nechirwere chekushomeka kweropa mumuviri, reSickle Cell Anaemia Trust Zimbabwe (SCATZ), rinoti varwere vakadai vanoda kurangarirwa, kunyanya panguva ino apo chirwere cheCovid-19 chiri kupararira zvakanyanya…
Marara pose-pose bodo’
Abel Ndooka SANGANO reZimbabwe Sunshine Group (ZSG) riri kukurudzira veruzhinji kuti vashandise nzira dzakakodzera pakurasa marara anosanganisira mamasiki, kwete kungoakanda pose-pose sezvo kuita kwakadai kuine njodzi yekukonzera kupararira kwezvirwere zvinosanganisira…
38 vafa zuva rimwe chete
Tandayi Motsi VANHU 38 vakafa muZimbabwe nechirwere cheCovid-19 nemusi weChitatu svondo rino bedzi hunove huwandu hwakanyanya kukwira hwevanhu vashaika muzuva rimwe chete kubvira pakatanga denda iri munaKurume wegore rapera. Izvi…
Votyora mutemo we’lockdown’
Muchaneta Chimuka VERUZHINJI vari kutyora mitemo yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 (lockdown) munzvimbo dzinosanganisira muguta reHarare pamwe nedhorobha reChitungwiza zvichitevera huwandu hwevanhu vari kuonekwa vachingombeya-mbeya munharaunda dzavanogara izvo zvinopa mikana yakakura…
Ndakapondwa nababa: Mweya
Tendai Gutikwa GURE remurume wekwaMambo Mutasa — uyo anonzi akauraya mwanakomana wake makore matatu adarika, ndokuvharidzira humhondi achiti ainge azviuraya — rinonzi rakazofumurwa nechipoko chemuchakabvu icho chave kuonesa vemhuri iyi…
Nesi tsotsi akasungwa
Danisa Masuku MUKADZI anozviti ndimukoti pachipatara cheMater Dei Hospital, kuBulawayo, anotarisirwa kupinda mudare achipomerwa mhosva yekuenda pane imwe nzvimbo yekutandarira (nightclub) yeko apo akanodya chikafu pamwe nekunwa doro asi ndokuzoverera…
Akafa nekunwa doro
Kingstone Mapupu MURUME wekuMazowe — nyakuzvifadza nekunwa doro rakasiyana musi weGoredzva — anonzi akazofa nekuda kwekuraradza uku. Assistant Inspector Naison Dhliwayo — avo vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central…
Mhuri yogariswa musango naPapa . . . ‘Ndiko kuti nhamo dzenyu dzipere’
Kingstone Mapupu CHIKWATA chevanamati 13 vechechi yeJohane Masowe weChishanu vanobva kwaMurehwa — vanhu vakuru nevana — chinonzi chapedza mwedzi mitatu chichigara pamhene musango riri kuGweru mushure mekunzi nemumwe muporofita vanogara…
Mufushwa wemunyemba une dovi
MUFUSHWA wemunyemba kudya kunovaka muviri kubva pasichigare uko kwaiita kuti vakuru vekare vagare vakagwinya uye vasingabatwe nezvirwere pose-pose. Mumufushwa uyu munowanikwa kudya kunosanganisira iron inova inosimbisa mapfupa. Kudya uku kunowedzera…
Akapotsa afira huku yaakatema
Kingstone Mapupu MURUME wekuNyamakate, kuKaroi, akasungwa nemapurisa eko achipomerwa mhosva yekurova mumwe mugari weko zvekumuita kafiramberi padare rasabhuku mushure mekunge vapopotedzana nenyaya yehuku iyo ainge atema nedombo ichibva yatyoka gumbo.…











