Zviri Mugapu: Munyemba une dovi
naMuchaneta Chimuka MUFUSHWA wemunyemba kudya kunovaka muviri kubva pasichigare uko kwaiita kuti vakuru vekare vagare vakagwinya uye vasingabatwe nezvirwere pose-pose. Tinowana Vitamin C, Iron uye mapuroteni kubva mumufushwa une dovi. …
Koshesai runyararo: NPRC
Muchaneta Chimuka VERUZHINJI vanokurudzirwa kuti vakoshese runyararo nekubatana sezvo huri iho hwaro hwebudiriro yeZimbabwe, zvikuru panguva iyo nyika yakatarisana nekurwisa chirwere cheCovid-19. Izvi zvakabuda pamusangano wakaitwa neNational Peace and Reconciliation…
Kwava nematanho matsva eCovid-19
Tandayi Motsi SANGANO rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisarion (WHO) rakatara matanho matsva ekubatsira nyika kuti dzikwanise kusimbaradza zvirongwa zvekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19. WHO yakaisawo Zimbabwe, pakati pedzimwe nyika,…
Veruzhinji vomiswa kuona varwere
Muchaneta Chimuka SENZIRA yekuderedza kupararira kwechirwere cheCovid-19, chipatara chikuru cheParirenyatwa Group of Hospitals chiri muHarare chambomisa veruzhinji kuona varwere kunze kwehama yepedyo imwechete. Chinyorwa chakabva kuchipatara ichi nemusi weChitatu chinoti,…
Maonero edu: Musaparadze nhaka yeZim
ZIMBABWE yakakomberwa zvikuru panyaya yezviwanikwa zvinoyevedza izvo zvinova nhaka yemusiidzanwa uye zvinobatsira mukusimudzirwa kweupfumi hwenyika kuburikidza nevashanyi vanobva kunze vachizozviona. Zviwanikwa zvine mukurumbira munyika muno nekunze zvinosanganisira mapopoma eVictoria Falls,…
Bembera Padare: Zvikomo zvinopanana mhute
naWedzerai Nhemachena SVONDO rino dare riri kufamba nedonzvo rekugoverana mhute kunoita zvikomo zvakavakidzana. Kune vaye vane mukana wekuona zvinoitwa nemakomo ari pedyo navo, tinoona kuti kana gomo rimwechete rikaita mhute,…
Hunga: Hove inosanduka kuita nyoka
Munyori weKwayedza BAZI rinoona nezvekuchengetedzwa kwemhuka dzesango, reZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority (ZimParks), rinoti hakuna munhu anotenderwa kubata kana kuuraya hove ingava yerudzi rwupi pasina kupihwa mvumo sezvo hove…
Tangai ongororo dzeCovid: WHO
SANGANO rinoona nezveutano pasi rose, reWorld Health Organisation (WHO), rinoti zvakakosha kuti nyika dziite ongororo yekuona huwandu hwevanhu vari kubatwa neCovid-19 asi vasina zviratidzo zvedenda iri zvinooneka.
Ndaida kuponda 1, kwete vatatu ava
Kingstone Mapupu MUKOMANA ane makore 17 ekuberekwa wekwaNyashanu, kuBuhera, ari kunzi akaponda vanhu vechikuru vatatu vemumhuri imwechete achiti ndivo vakakonzera rufu rwababa vake makore 16 akadarika. Energy Chipinda anogara mubhuku…
Murwere wepfungwa akaponda kamwana
Kingstone Mapupu MWANA wemakore 13 ekuberekwa anga achiita Giredhi 7 kuGweru anonzi akapondwa nemusi weChipiri nemurwere wepfungwa apo aibva kunonyora bvunzo dzake. Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Ethel Mukwende, vanotsinhira…











