Koshesai runyararo: NPRC

Muchaneta Chimuka

VERUZHINJI vanokurudzirwa kuti vakoshese runyararo nekubatana sezvo huri iho hwaro hwebudiriro yeZimbabwe, zvikuru panguva iyo nyika yakatarisana nekurwisa chirwere cheCovid-19. 

Izvi zvakabuda pamusangano wakaitwa neNational Peace and Reconciliation Commission (NPRC) nemusi weChipiri muHarare uyo waive nedonzvo rekutsvaga nzira dzingaite kuti madzimai nevechidiki vabatsire munyaya dzekuunza runyararo munyika.

Vachitaura pamusangano uyu, Mai Rita Nyamupinga – avo vanorwira kodzero dzevanhu vari zvekare mukuru wesangano reFemale Prisoners Support Trust — vanoti runyararo rwakakosha nguva dzose.

“Zviri kubuda mumusangano uno zvakakosha zvikuru kana tichitarisa matambudziko anosanganikwa nawo nemadzimai uye kuti angadzivirirwa sei. Tiri kutarisa zvinhu zvinosanganisira magariro ari kuita vanhu, nharaunda, nyaya dzematongerwo enyika nezvimwe zvinobata upenyu hwevanhu seCovid-19.

“Somuenzaniso, panyaya dzematongerwo enyika apo panoumbwa mapato, tinodokwaira kwazvo kuti madzimai apindewo kuitira kuti mazwi avo anzwikwe pamwe nekutorawo zvigaro zvepamusoro. 

“Asi kana munyika muine mhirizhonga tinoona madzimai achikundikana kuwana mikana iyi nekuti havafarire mhirizhonga,” vanodaro.

Vanoyambira zvekare vechidiki kuti varegedze kushandiswa munyaya dzezvematongerwo enyika vachiita mhirizhonga.

“Tinokurudzirawo madzimai kuti avhotere mamwe madzimai nekuti iwo madzimai kana akazvimiririra anokwanisa kuziva nhuna dzinosangana nemunhukadzi. 

“Varume regaiwo kudzikisira madzimai ayo anenge aine mikana yekutora zvigaro zvepamusoro muchishandisa simba renyu, mari kana kuvambuyikidza nekuti zvose izvi ndizvo zvinokanganisa nyaya dzekuenzaniswa kwemikana,” vanodaro Mai Nyamupinga.

Mai Patience Chiradza, vanova nhengo yeNPRC, vanoti chinangwa chavo ndechekutsvaga nzira dzinoderedza nyaya dzemhirozhonga.

“Kana tikaita nyika ine mhirizhonga, zvinodzorera shure budiriro. 

“Madzimai kunyanya ndiwo anobatwa nemhirizhonga saka takaona kuti tikavaisa pamberi zvinobatsira kupomhodza mvongamupopoto,” vanodaro.

Mai Chiradza vanokurudzira veruzhinji kuti vashingirire mumabasa anovapa chouviri nemhuri dzavo, zvikuru munguva ino yekurwisana neCovid-19, pane kupedza nguva yavo yakakosha vachishandiswa munyaya dzemhirizhonga.

Panashe Mukadira wekuEpworth — uyo anoshanda kusangano reCentre for Conflict Management and Transformation — anokurudzira vechidiki kuti vasashandiswe munyaya dzemhirizhonga.

“Sevechidiki, ngatirwirei kodzero dzedu nekuumba runyararo nekuti tisu kazhinji tinotumwa kuita zvemhirizhonga tichiparadza midziyo yevanhu asi mukudoka kwezuva tisu zvekare tinenge tava kusungwa pasina anozotimiririra,” anodaro.

Chirongwa ichi chakapindwa nevanhukadzi vanodarika makumi mana avo vakabva munzvimbo dzakakomberedza guta reHarare uye chaitsigirwa nesangano reUN Women.

Related Posts

President Mnangagwa vochema Chivayo, mudzimai wake nevamwe vatatu

Munyori weKwayedza Mutungamiri wenyika President Mnangagwa varatidza kuvhunduka kukuru pamwe nekusuwa zvichitevera kufa kwamuzvinabhizimusi Wicknell Chivayo, mudzimai wake Lucy Muteke nevamwe vanhu vatatu mutsaona yechikopokopo kuMarondera nezuro. Mumashoko enyaradzo, President…

Chiremba wemanyepo akavhiya munhu pahuro akafa

NaArron Nyamayaro MUMWE chiremba wemanyepo anonzi akakonzeresa kufa kwemumwe mukadzi mushure mekumuvhiya pahuro zvisiri pamutemo vari pane imwe imba kwaSeke. Mapurisa anoti Douglas Mutore, wekuChitungwiza, akaenda kuna Muzvare Magret Gwamura…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×