Dutumupengo: Garai muine zvinotevera

ZVINOTEVERA zvimwe zvezvakakosha kuti vanhu vaone kuti vanazvo here panguva yedutumupengo:

Corona yavhiringa dzidzo, mabasa

Tandayi Motsi SANGANO rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisation rinoti chirwere cheCovid-19 chakonzera matambudziko makukutu kune vechidiki sezvo vanodarika 1 bhiriyoni dzidzo yavo yakanganiswa nedenda iri apo mumwe chete…

Zvibhorani neCovid-19

NHENGO dzekomiti inoona nezvekuwaniswa kwemvura kune veruzhinji kuChitungwiza, yeWater Collection Point Committee, dzakawaniswa ruzivo pamusoro penzira dzekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 pazvibhorani dzinova nzvimbo dzinozivikanwa nekuwanda vanhu zvichipa mikana yakakura yekupararira kwechirwere ichi.

Covid: ‘Imhandu yapinda mumba’

Kingstone Mapupu SANGANO rinomirira vanamujibha nanachimbwido reZimbabwe Liberation War Collaborators Association (ZILIWACO) rinoti apo nyika iri kupemberera zuva rekubatana, reUnity Day, zvakakosha kuti veruzhinji vabatane zvakare mukurwisa chirwere cheCovid-19 sezvo…

Roja rorumiswa nehuku: ‘Ndiko kuti abhadhare mari yemvura’

Kingstone Mapupu MUDZIMAI anoroja paimwe imba iri mumusha weMufakose, muguta reHarare, anoti akabviswa chiri kumeso nejongwe rehuku repamba apa iro rakamuruma zvekumusiya ava nemaronda uye obuda ropa mushure mekunge raita…

Mwana wekupondwa: Zvabuda muongororo

Kingstone Mapupu GWETA riri kumirira mhuri yekwaMakore yekwaMurehwa — iyo ine mwanakomana wekupondwa, mutumbi wake ndokubviswa musoro, maoko nemakumbo — rinoti ongororo yeDNA yakaitwa makumbo nechanza izvo zvakawanikwa kunzvimbo dzakasiyana…

Regai ndife hangu. . . . . . oda kuzviurayira hove

Muchaneta Chimuka VERUZHINJI vakaona bhaisikopo remahara nemusi weChishanu chadarika panosangana migwagwa waNelson Mandela naSam Nujoma muguta reHarare apo mumwe murume akazvikanda mumota dzaidarika achiti aida kutsikwa kuti afe hake sezvo…

Tarohwa neCorona: Kapfupi

Kingstone Mapupu MUIMBI, uye shasha yemadhirama, Freddy “Kapfupi” Manjalima, anoti chirwere cheCovid-19 chamuworora sezvo basa rake risiri kufamba sezvaaitarisira uye anoramba mashoko ekuti akahwapurirwa mudzimai wake — Precious “Mai Ngaa”…

Zvakasunga: Zvirekwi

Abel Ndooka MUTAMBI wenhabvu ane mukurumbira munyika muno — Hardlife “Nairobi” Zvirekwi — ari kunyunyuta zvakanyanya kuti gore rino arasikirwa nezvakawanda nekuda kwechirwere cheCovid-19 sezvo kusvika pari zvino hapana chikwata…

Zifa yomirira Hurumende

Abel Ndooka SANGANO rinotungamirira nhabvu munyika muno reZimbabwe Football Association (Zifa) rinoti rakamirira kupihwa mvumo neHurumende kuti mitambo yePremier Soccer League (PSL) ichitanga kutambwa. Gore rino, nekuda kwechirwere cheCovid-19 hakuna…

×