Murwere wepfungwa akaponda kamwana

Kingstone Mapupu

MWANA wemakore 13 ekuberekwa anga achiita Giredhi 7 kuGweru anonzi akapondwa nemusi weChipiri nemurwere wepfungwa apo aibva kunonyora bvunzo dzake.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Ethel Mukwende, vanotsinhira nyaya yekupondwa kwaNatasha Manunure uyo aipinda chikoro paSandara Primary iri muGweru. 

“Tine nyaya inosuwisa zvikuru yemwana wechikoro aigara nevabereki vake pamba iri mumugwagwa waMaliwa mumusha weMutapa 4. Mwana uyu nezuro zuva rodoka (Chipiri) achibva kuchikoro nekamwe kamwana kadiki, ndokungoerekana atemwa nedombo nemumwe murume anonzi murwere wepfungwa muGweru anongozivikanwa nekunzi Dereck. 

“Mwana uyu akatemwa kunzeve yekurudyi nedombo ndokupunzika achibva angofira panzvimbo apo murwere wepfungwa uyu akangonhonga dombo iri vana ava vasingaone,” vanodaro Insp Mukwende. 

Vanoenderera mberi vachiti, “Nyaya yedu hombe tinokurudzira vanhu vane hama dzinorwara nepfungwa kuti vagare vachidziendesa kuzvipatara vachipihwa mishonga nemapiritsi ekuti vadzikame uyewo vorega kuvasiya vachingomberereka nemumigwagwa zvinova zvinopinza munjodzi vamwe vanhu vasina zvavanoziva sezvakaitika izvi.” 

Mutumbi wemwana uyu unonzi wakazoendeswa kune chimwe chipatara chemuguta reGweru uko wakamirira kuongororwa. 

Insp Mukwende vanoti murume wekupomerwa kuponda mwana uyu akasungwa uye akamirira kunoongororwa pfungwa dzake.

Related Posts

President Mnangagwa vochema Chivayo, mudzimai wake nevamwe vatatu

Munyori weKwayedza Mutungamiri wenyika President Mnangagwa varatidza kuvhunduka kukuru pamwe nekusuwa zvichitevera kufa kwamuzvinabhizimusi Wicknell Chivayo, mudzimai wake Lucy Muteke nevamwe vanhu vatatu mutsaona yechikopokopo kuMarondera nezuro. Mumashoko enyaradzo, President…

Chiremba wemanyepo akavhiya munhu pahuro akafa

NaArron Nyamayaro MUMWE chiremba wemanyepo anonzi akakonzeresa kufa kwemumwe mukadzi mushure mekumuvhiya pahuro zvisiri pamutemo vari pane imwe imba kwaSeke. Mapurisa anoti Douglas Mutore, wekuChitungwiza, akaenda kuna Muzvare Magret Gwamura…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×