Zviri Mugapu: Munyemba une dovi

naMuchaneta Chimuka

MUFUSHWA wemunyemba kudya kunovaka muviri kubva pasichigare uko kwaiita kuti vakuru vekare vagare vakagwinya uye vasingabatwe nezvirwere pose-pose. 

Tinowana Vitamin C, Iron uye mapuroteni kubva mumufushwa une dovi. 

Marian Mutukirwi wekuNyajena, kuMasvingo, svondo rino anotsanangudza mamwe mabikirwo eusavi uhu.

Zvinodiwa:

Mufushwa wemunyemba, munyu, mafuta, dovi, matomatisi nehanyanisi.

Mabikirwo:

Pane matanho mana anotorwa pakubika mufushwa wemunyemba.

Chekutanga, fashaidza munyemba nemvura ine soda kuti upfave.

Chigeza munyemba uyu nemvura inodziya.

Isa muchikari chine mafuta mashoma.

Chekerera matomatisi nehanyanisi wokanda munyu wakaringana nemvura.

Siya zvikwate kweawa rose kana kudarika uchiwedzera mvura kusvika waibva.

Chitora dovi ukurungire kusvika zvasangana.

Vhara chikari wodzikisa moto, siya zvishinyire kwemaminitsi maviri wozobura.

Usavi uhu hunodyiwa nesadza jena, remhunga kana rezviyo.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Related Posts

President Mnangagwa vochema Chivayo, mudzimai wake nevamwe vatatu

Munyori weKwayedza Mutungamiri wenyika President Mnangagwa varatidza kuvhunduka kukuru pamwe nekusuwa zvichitevera kufa kwamuzvinabhizimusi Wicknell Chivayo, mudzimai wake Lucy Muteke nevamwe vanhu vatatu mutsaona yechikopokopo kuMarondera nezuro. Mumashoko enyaradzo, President…

Chiremba wemanyepo akavhiya munhu pahuro akafa

NaArron Nyamayaro MUMWE chiremba wemanyepo anonzi akakonzeresa kufa kwemumwe mukadzi mushure mekumuvhiya pahuro zvisiri pamutemo vari pane imwe imba kwaSeke. Mapurisa anoti Douglas Mutore, wekuChitungwiza, akaenda kuna Muzvare Magret Gwamura…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×