Vofamba vari musvo
Kingstone Mapupu VAGARI vekwaNyamweda, kuMhondoro, vanonzi svondo rapera vakaona bhaisikopo remahara apo vamwe vanhukadzi vanoita mabasa ekutengesa miviri yavo vakakurura hembe dzavainge vakapfeka, ndokufamba vari musvo zuva rakacheka nyika pataundishipi…
Ginimbi ari kuGehena. . .PaCovid tiri kurangwa . . . Ndini mutsvene bedzi
Kingstone Mapupu PROPHET Talent Madungwe wechechi yeDesire of All Nations — uyo anoti anogara achishanyira Mwari pamwe nekutaura navo pose paada — atanga “futi”. Rwendo rwuno adzoka achiti mumwedzi waGumiguru…
Vobatwa neCovid-19 vowanda
Tandayi Motsi HURUMENDE inoti iri kushushikana zvakanyanya nekuwanda kuri kuita vanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 munyika muno mumasvondo matatu adarika nekudaro matanho ose akatarwa ekurwisa denda iri anofanirwa kutevedzerwa zvizere.…
‘Covid inogona kudziviririka’
Muchaneta Chimuka VABATSIRI vezveutano (community health workers) vanosvika 1 000 avo vachabatsira pakuitwa kweongororo mumatunhu akasiyana enyika pamusoro pechirwere cheCovid-19 vakadzidziswa nebazi rezveutano nekurerwa kwevana pasi pechirongwa chakaitwa mudhorobha reMutare…
CHINONYADZISA CHII? . . . kutengera mudzimai wako mapiritsi e’family planning’
Kingstone Mapupu KUBVIRA pasichigare, kune nzira dzekurera mhuri idzo dzaishandiswa nevakuru – dzimwe dzacho dzemishonga yechivanhu izvo zvasiyana nemakore ano apo pave kushandiswa mapiritsi nezvimwe. Nzira dzekuronga mhuri dzakare idzi…
Makombi adzoka…Tiri kuvasunga: ZRP‘…Nzara ndiyo yatituma
MAKOMBI ari kutakura vanhu zvisiri pamutemo muguta reHarare nedzimwe nzvimbo ari kuwanda izvo zvine njodzi yekuparadzira chirwere cheCovid-19 uye mamwe acho ave nemahwindo emakadhibhokisi, marata nezvimwe.
Gomarara neCovid-19
VERUZHINJI vari kukurudzirwa kuti vavhenekwe zvimwe zvirwere zvinodyidzana neCovid-19 segomarara nemalaria nechinangwa chekuti varapwe denda risati radingindira mumuviri.
Covid-19 yaondonga kurimwa kwemaruva
KUNYUKA kechipiri kwechirwere cheCovid-19 kuEurope kunonzi kwaona nyika dzakawanda dziri kudunhu iri dzichidzokera padanho rekutanga (lockdown) rekurwisa denda iri izvo zvakanganisa zvakanyanya varimi vemuZimbabwe vari muchikamu chekuita zvemaruva.
‘Vaimbi taomerwa zvikuru’
MUIMBI wechidiki ari kusimukira mumusambo weAfro-Pop, Primrose “Scarlete” Maronde, anoti zvakakosha kuti vanosimudzira zvemimhanzi vatsigire vabatsire vaimbi, zvikuru panguva ino yechirwere cheCovid-19 sezvo mashoo asati ave kutenderwa kuitwa.
Pamire Zim muSadc
ZIMBABWE, panyika dziri mudunhu reSouthern African Development Community (Sadc), iri pechishanu panyaya yevanhu vakawanda vane hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 kunyangwe zvazvo pahuwandu hwevafa iri pechitatu.











