Votsvaga mbiri naTapiwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) anoti musoro wemwana akapondwa kwaMurehwa, mutumbi wake ndokuzonhongwa ikoko asi usina dzimwe nhengo hausati wawanikwa uye vachiri kuenderera mberi nekuferefeta nyaya iyi. Tapiwa…

‘Musaite jee neCovid-19’

 Tandayi Motsi SANGANO rinoona nezveutano pasi rose, reWorld Health Organisation (WHO), rinoti chirwere cheCovid-19 hachizi chekutamba nacho sezvo chichikwanisa kukanganisa nhengo ipi zvayo yemuviri wemunhu uye nyika dziri kurega denda…

‘Ndakasotwa nevandakabira . . .

Abel Zhakata MBAVHA yechikadzi yekwaMutare — iyo yakabatwa nemhosva mudare yekupwanya dzimba ichipinda ichiba midziyo — inoti yakasangana nenhamo yekutakura mimba kwemwedzi gumi nemumwe isati yasununguka mushure mekushinhirirwa nemumwe munhu…

‘11 Months’ Tsotsi richisunda mimba ‘. . . zvinoitika kakawanda’

Kingstone Mapupu NYANZVI dzezvechivanhu dzinoti nyaya yemudzimai wekwaMutare uyo anoti akazosununguka pamuviri mushure memwedzi 11 ine chekuita nekushandiswa kwemishonga yakaipa. Mudzimai uyu anoti akashereketerwa nemunhu waainge abira midziyo yake zvikaita…

‘Handina muswe, zvingori zvinyama’

Kingstone Mapupu MURUME wekuChimanimani, kuManicaland — uyo wekumbobuda muKwayedza achiti ane dambudziko rekumera chinyama chinenge muswe — anoti ari kutsvaga rubatsiro rwekuti avhiiwe kuchipatara zvinhu zvinenge miswe yemombe izvi. VaMartin…

‘Tava panguva yakaoma’

Muchaneta Chimuka CHIRWERE cheCovid-19 chinonzi chakanganisa zvakanyanya mabasa emadzimai anorarama nekuhodha zvinhu kunze kwenyika vachizozvitengesa muno zvichitevera kuvharwa kwakaitwa miganhu yenyika nechinangwa chekudzivirira kupararira kwedenda iri. Vachitaura pachirongwa chaitsigirwa nesangano…

Nzira dzekurima munda

Wendy Madzura KUMATIVI mana enyika tiri kuona kuti varimi vari kutora mukana wekunaya kwaita mvura kuita gadziriro yemwaka wekurima, kunyanya varimi vasina madiridziro. Nemvura yanaya iyi, mubvunzo uri kunetsa varimi…

Zvakarasika nezvakawanikwa

KUTANGA svondo rino, Kwayedza — yakabatana nemapurisa eZimbabwe Rupublic Police — ichange ichikuzivisai pamusoro pezvinhu zvakarasika nezvakawanikwa. Danho iri richaita kuti vanhu vaitirwe nyore nekuwana zvinhu zvavo zvinenge zvabiwa kana…

Hama yaShamba yazvisungirira

Kingstone Mapupu MURUME anova hama yaTafadzwa Shamba (40) — mumwe wevari kupomerwa kuponda mwana wekwaMurehwa — anonzi akangowanikwa akafa aine tambo muhuro nemusi weMuvhuro ikoko. Tafadzwa ari kupomerwa kuponda Tapiwa…

Mitemo ngairwise mhirizhonga padandemutande

Danai Chirawu PASI rose, vanhu vava kushandisa ruzivo rwedandemutnde runosanganisira WhatsApp, Facebook neTwitter zvakanyanya. Kusimukira kweruzivo rwechizvino-zvino uku, vanhu vachishandisa dandemutande mukuita mabasa akasiyana akadai sekufambiswa kwemari nekutumirana mashoko kwakakosha…

×