Zviri mugapu: Zondo riri mubhinzi

naMuchaneta Chimuka MAZONDO mudya ndakasungwa chaiwo kana achinge abikwa zvine hunyanzvi uye muusavi uhu tinowana mapuroteni ayo anovaka muviri nekurwisa zvirwere. Svondo rino Rumbidzai Zulu wekuChinhoyi anotsanangura mamwe mabikirwo emazondo.…

Vonzi ngavararame hupenyu hutsva

Abel Ndooka PUROMOTA wetsiva — Stalin Mau Mau — anoti iye zvino kwave nemararamiro matsva nekuda kwechirwere cheCovid-19 nekudaro zvakakosha kuti vatambi vemitambo yakasiyana vatsvage mamwe mabhindauko ekuita pane kungomirira…

Ndasuwa bhora: Figgy

Abel Ndooka MUTAMBI weMighty Warriors neBlack Rhinos Queens, Felistas Muzongondi,  anoti asuwa zvikuru mutambo wenhabvu. Izvi zvinotevera kumiswa kwakamboitwa mitambo pasi rose nechinangwa chekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 kubvira muna Kurume gore…

Kurima munda zvemandorokwati

Wendy Madzura PAKURIMA mumunda, varimi vanofanira kucherechedza kutenuka kunenge kwakaita munda (slope). Musarima pamunda wakanyanya kutenuka nekuti zvinoita kuti ivhu rikukurwe nemhepo kana nemvura (erosion). Kana muchirima, zvakakosha kutevedza ma”contour…

Vorwisa huchapa muMbare

Abel Ndooka VECHIDIKI vanogara mumusha weMbare, muHarare, vari kuita mabasa makukutu ekusimudzira nyaya dzehutsanana kuburikidza nekuchenesa nharaunda nekutsvaira marara vachipisa nechinangwa chekudzivirira kunyuka kwezvirwere zvinokonzerwa nehuchapa zvinosanganisira Covid-19, cholera netyphoid.…

Mapfupa ekamwana akawanikwa mubako

Kingstone Mapupu MHURI inobva kuZaka, mudunhu reMasvingo, inoti yakashaya mwana wayo aive nemakore matatu ekuberekwa muna 2018, ndokuzowana marangwanda ake ari mubako reko nguva yadarika. VaSinos Jenjere (31) vemubhuku raZibhowa,…

Chimuka atora mumwe mubairo

Munyori weKwayedza MUNYORI weKwayedza Muchaneta Chimuka nemusi weChipiri uno akahwapura mubairo mukuru weArts, Culture and Entertainment Journalist of the Year mumakwikwi eNJAMA Awards ayo akaitirwa muguta reHarare. Chimuka akaenda kumba…

Mvura ine dutu nemheni yonaya

Muchaneta Chimuka MVURA zhinji ine dutu nemheni inotariswa kunaya nyika yose kusvika nemusi weMugovera. Bazi rinoona nezvemamiriro ekunze, reMeteorogical Services Department (MSD) rakabatana nevechikamu cheDepartment of Civil Protection Unit, rinoyambira…

Maonero Edu: Hondo yeCovid haisati yapera

KUBVIRA munaKurume gore rino, pasi rose riri kuchema-chema zvikuru nekuda kwechirwere cheCovid-19. Chirwere ichi chakonzera ndufu dzevanhu vakawanda pamwe nematambudziko anosanganisira kudzosera kumashure nyaya dzebudiriro yeupfumi. Covid-19 iri kunyuka kepiri…

Vaida kudya mwana masikati machena

Cletus Mushanawani YAKAVE batai-batai murukisheni rweSakubva, kwaMutare, svondo rapera apo vasikana vechidiki vatatu vanonzi vakazama kudzipa mwana ane makore matatu ekuberekwa vachida kumuuraya pamwe nekudya nyama yake zuva rakacheka nyika.…

×