‘Covid inogona kudziviririka’

Muchaneta Chimuka
VABATSIRI vezveutano (community health workers) vanosvika 1 000 avo vachabatsira pakuitwa kweongororo mumatunhu akasiyana enyika pamusoro pechirwere cheCovid-19 vakadzidziswa nebazi rezveutano nekurerwa kwevana pasi pechirongwa chakaitwa mudhorobha reMutare kutanga kwesvondo rino.
Vachitaura pachiitiko ichi, mukuru wezvekudzivirirwa kwezvirwere (epidemiology and disease control) kubazi iri, Dr Portia Manangazira vanoti chirwere cheCovid-19 chinokwanisa kudziviririka zviri nyore kuburikidza nekutevedzera matanho akatarwa ekuchirwisa.
“Chirwere ichi chinodziviririka nenzira dziri nyore asi vanhu vazhinji vava kuratidza kurivara. Havachapfeka mamasiki, vava kungoungana kana kusageza maoko izvo zvava kuita kuti vari kubatwa nacho vawedzere. Kune dzimwe nyika kwatove nekunyuka kechipiri kwechirwere ichi (second wave),” vanodaro Dr Manangazira.
Vabatsiri vezveutano vakadzidziswa pachirongwa ichi vakabva kumatunhu ose enyika anoti Mashonaland West, Mashonaland East, Mashonaland Central, Manicaland, Midlands, Harare, Masvingo, Bulawayo, Matabeleland North neSouth.
Vakapihwawo nharembozha nemidziyo yekushandisa mukurwisa kupararira kweCovid-19.
Vachitaurawo pagungano iri, Director weMedia Services kubazi rinoona nezvekufambiswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, Dr Anyway Mutambudzi, vanoti vabatsiri vezveutano ava vanosanganisirawo masabhuku, vatungamiriri vemachechi nevarapi vechivanhu.
“Nharembozha dzatavapa dzichabatsira kuti vakwanise kufambisa mashoko zviri nyore maringe nechirwere cheCovid-19. Tinoda kunzwa zvose zviri kuitika kumiganhu yenyika, muzvikoro, munzvimbo dzinoitwa mabasa ezvicherwa nekune vanhu vakaremara kuti tikwanise kuunganidza mashoko ane humbowo,” vanodaro.
Dr Mutambudzi
Muzvare Sandra Machiri, vanova nyanzvi munyaya dzekukushwa kwemashoko kusangano reAfrica Centre for Disease Control Risk, vanoti vabatsiri vezveutano vanofanira kudzidzisa veruzhinji maringe nezvekukosha kwekudzivirira chirwere cheCovid-19.
“Kune nzira dzakawanda dzinogona kushandiswa mukukusha mashoko eCovid-19 semapepanhau, mitambo, kuita nhaurwa nevanhu munharaunda nekushandiswa kwemasaisai pakati pezvimwe zvichibatsira mukuchengetedza upenyu,” vanodaro.
Sekuru Friday Chisanyu, vanova nyanzvi munyaya dzechivanhu, vanotiwo vamwe varapi vechivanhu nevemachechi vakatomira kupfeka mamasiki pavanenge vachiita basa ravo izvo zviri kuvaisa panjodzi yekutapurira kana kutapurirwa Covid-19.
“Kune vamwe varapi vedu vanozviisa panjodzi yechirwere cheCovid-19 pamwe nevarapwa vavo nekusapfeka mamasiki kana magorovhosi,” vanodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×