ZSA yopemha maPPE’s
Abel Ndooka SANGANO reZimbabwe Softball Association (ZSA) riri mushishi yekutsvaga midziyo yekushandisa mukurwisa chirwere cheCovid-19 (Personal Protective Equipment kana kuti PPE’s) yakadai semamasiki nemagirovhosi zvevatambi apo riri kuronga kudzosa mutambo…
Cosafa Cup gore rinouya
Abel Ndooka SANGANO reCouncil of Southern Africa Football Association rinoti mutambo weCOSAFA Cup uchatambwa muna Chivabvu gore rinouya. Mutambo uyu waifanirwa kutambwa muna Chivabvu kuDurban, kuSouth Africa gore rino asi…
Zvibhorani zvitsva 4 000
Tandayi Motsi HURUMENDE inoti zvibhorani zvinosvika 4 580 zvitsva zvakacherwa pamwe chete nekuvandudzwa munyika yose nechinangwa chekusimudzira nyaya dzehutsanana, zvikuru kuwanikwa kwemvura yakachena yekushandisa neveruzhinji, nechinangwa chekurwisa chirwere cheCovid-19 kubvira…
Zim iri mugwara – Mahomva
Tandayi Motsi ZIMBABWE iri mugwara rakanaka pakurwisa chirwere cheCovid-19 kunyangwe zvazvo pachiri nezvakawanda zvinoda kuitwa nechinangwa chekusimbaradza zvirongwa zvekumisa kupararira kwedenda iri. Vachitaura pachirongwa chepasvondo icho vanozivisa nyika mamiriro echirwere…
Covid-19 ichiriko: VP Chiwenga
Mukudzei Chingwere KUBUDIRIRA kuri kuitwa neZimbabwe mukudzivirira kupararira kweCovid-19 hakufanirwe kutorwa sekuti hondo yekurwisa denda iri yatopera sezvo njodzi yekunyuka kwechirwere ichi kechipiri ichiripo. Vanhu vakawanda vave kuvarairwa uye havachatevedza…
Zviri mugapu: Rupiza mudya ndakasungwa
naMuchaneta Chimuka NYANZVI dzezveutano dzinokurudzira veruzhinji kudya chikafu chechivanhu chakaita serupiza icho chinonzi chakakosha zvikuru pakuvaka muviri. Svondo rino, Mbuya Mako Mulilo vekuBikita, kuMasvingo, vanorondedzera mamwe mabikirwo erupiza zvine…
Zvakakoshera ‘rain gauge’ mukurima
Omega Chigwanda MUNGUVA ino yemwaka apo mvura yava kutanga kunaya, zvinokosha chose kuti murimi ange aine ruzivo rwekuti mvura yanaya pamunda pake yakawanda zvakadii. Izvi zvinokoshera kuti murimi akwanise kuziva…
Kuipa kwemhirizhonga mumabasa
Munashe Dondo MHIRIZHONGA yakarerekera kunyaya dzebonde (sexual harassment) inodzikisira munhu hunhu nechimiro chake uye haitambirwi zvachose neanenge achizviitirwa kusanganisira makambani kana kuti vashandirwi. Sangano reInternational Labour Organisation (ILO) rinoti mhirizhonga…
Maonero Edu: Covid-19: Zim iri mugwara
CHIRWERE cheCovid-19 chazengezana pasi rose uye chakonzera zvakare matambudziko makukutu anosanganisira kufa kwevanhu pamwechete nekudzorera kumashure zvikuru budiriro munyaya dzehupfumi. Izvi zvaona nyika dzakawanda, kusanganisira Zimbabwe, dzichitora matanho akasimba ekurwisa…
Mutupo: Soko Chuma
Evoi Chuma Soko yangu yiyi yaSamambita. Maita Gototsa Mukanya, Chuma chaMukaradzi china mahapa, Chinoti kapa kapa, Maita vari kuna Mhomhozi, Maita vari kuna Mukaradzi naGwetera. Kuziva zvenyu VaChigumbate, Maita VaSamambita…










