Zviri mugapu: Rupiza mudya ndakasungwa

naMuchaneta Chimuka

NYANZVI dzezveutano dzinokurudzira veruzhinji kudya chikafu chechivanhu chakaita serupiza icho chinonzi chakakosha zvikuru pakuvaka muviri.

   Svondo rino, Mbuya Mako Mulilo vekuBikita, kuMasvingo, vanorondedzera mamwe mabikirwo erupiza zvine hunyanzvi.

Zvinodiwa:

Makomichi matatu enyemba, mafuta, dovi, munyu, mugoti  nemvura.

Mabikiro:

Menya nyemba kana kupura wodzikanga.

Bvisa marara ose kuburikidza nekudzipepeta.

Kuya nyemba paguyo rakachena kusvika dzaita zvidimbu zvidiki. Unogona zvakare kudzitswa muduri. Fashaidza zvawakuya zviye muhari.

Isa twumafuta twushoma kuti zvisatsvira nechepasi. Isa munyu wokurungira dovi kana zvichinge zvaibva.

Ramba uchimona rupiza nemoto wakaderera kuti rwusatsva.   Kana dovi nerupiza zvichinge zvanyatsosangana, siya zvishinyire kwemaminitsi angaite mashanu.

Wozodii?

Kana zvadai, chipakura wongwarira kuzviruma rurimi nekunakirwa.  Kare vamwe vaidya rupiza nesadza rezviyo kana jena asi rwunogona kudyiwa rwakadaro.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281

Related Posts

Dzinza rekwaChivero raungana kuita bira

    Kingstone Mapupu APO nyika ino nevanhu vemarudzi akasiyana-siyana vakapemberera tsika dzavo muchirongwa chinoitwa mumwedzi waChivabvu gore negore, vedzinza rekwaChivero vakazoita izvi mukupera kwesvondo apo vaive nebira remhuri yose…

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×