Orambirwa kutotesa mubhedha

Gibson Mhaka MUDZIMAI wekuNyamandlovu, kunzvimbo yeUmguza, akazonopotera kudare redzimhosva achida kuti riparadze muchato nemurume wake achiti akandiswa mapfumo pasi nehunhu hwake hwekuitira weti mumagumbeze zuva roga-roga. Violet Maphosa akaudza dare…

Bembera Padare: Iwe ukanzi dzipakate handi kunzi dziridze

naWedzerai Nhemachena VAMWE vangabvunze kuti ndedzipi idzi dziri kunzi dzisaridzwe, uye ari kunzi akadzipakata ndiani? Dare rino rinokurukura nekupa yeuchidzo yehunhu hwakanaka hwemunhu wose ane chekuita nedare remumusha, remukambani kana…

Kupondwa kwaTapiwa: Mukadzi asungwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) anoti asunga mumwe mudzimai nenyaya yekupondwa kwemwana wekwaMangwende, kwaMurehwa, uyo ane mutumbi wakazowanikwa wakabviswa musoro, makumbo nemaoko. Izvi zvinotevera kusungwa kwevamwe vanhu vaviri…

Tava munzara: Vavezi

Kingstone Mapupu VANHU vanoita mabasa ekuveza zvinhu vachitengesa panzvimbo yeMbudzi Round About iri mumugwagwa waSimon Mazorodze, muguta reHarare, vanoti vari kusangana nedambudziko rekushaya vatengi kubvira pakatanga chirwere cheCovid-19. VaProsper Gwanzura…

Covid ichiriko: VP Chiwenga

Mukudzei Chingwere KUBUDIRIRA kuri kuitwa neZimbabwe mukudzivirira kupararira kweCovid-19 hakufanirwe kutorwa sekuti hondo yekurwisa denda iri yatopera sezvo njodzi yekunyuka kwechirwere ichi kechipiri ichiripo. Vanhu vakawanda vave kuvarairwa uye havachatevedza…

Handina kufa ini: Pastor Charamba

Abel Ndooka MUIMBI wenziyo dzechitendero ane mukurumbira – Pastor Charles Charamba – vari kukatyamadzwa nemashoko emanyepo ari kuti vakashaya mutsaona yemotokari. Izvi zvinotevera mashoko ari kutenderera padandemutande reFacebook neWhatsApp achiti…

‘Musangomirira kuitirwa zvose’

Muchaneta Chimuka VABEREKI vari kukurudzirwa kutsigira vana vavo nemidziyo inodzivirira kutapurirana chirwere cheCovid-19 muzvikoro inosanganisira mamasiki sezvo kurwisa denda iri risiri basa reHurumende chete, asi remunhu wose. Kurudziro iyi yakaitwa…

‘Dzosai musoro waTapiwa’

Nyaya naKingstone Mapupu MHURI yekwaMakore, kwaMurehwa —  iyo ine mwanakomana wemakore manonwe ekuberekwa akapondwa, mutumbi wake ndokuzonhongwa wakabviswa musoro, maoko memakumbo — iri kukumbirisa kune vakaponda mwana uyu kuti vabatsire…

Mwana wekutsakatika awanikwa musango

Kingstone Mapupu MWANA wekwaMurehwa wemakore gumi nemaviri okuberekwa — uyo wekubuda munhau achinzi haazi kuzivikanwa kwaari — anonzi awanikwa. Wengai Gukwe wemubhuku raTsiga, kudunhu raMambo Mangwende, ange asiri kuonekwa kubva…

Dehenya remunhu muchivanze

Munyori weKwayedza VASHANDI vaviri vekambani yeSmart Express Bus Company iri maMutare — iyo muridzi wayo anove VaCharles Makosi — vanonzi svondo rapera vakarohwa nehana mushure mekunge vaona marangwanda nedehenya remusoro…

×