Zvakakoshera ‘rain gauge’ mukurima

Omega Chigwanda

MUNGUVA ino yemwaka apo mvura yava kutanga kunaya, zvinokosha chose kuti murimi ange aine ruzivo rwekuti mvura yanaya pamunda pake yakawanda zvakadii.

Izvi zvinokoshera kuti murimi akwanise kuziva kuti odyara here kana kuti kwete. Uwandu hwemvura yananya hunozivikanwa chete kana murimi aine yatinoti muchirungu rain gauge.

Uyu mudziyo unoyera huwandu hwemvura inenge yanaya uye unoda kugadzikwa panzvimbo inenge isina miti uye pasiri panodonha mvura yemumarata nekuti izvi zvinokonzeresa kuti huwandu hwemvura inenge yanaya huvhiringike.

Kushandiswa kwerain gauge kunokosha zvikuru nekuti varimi vanokwanisa kuziva mamiriro emwaka izvo zvinozoita kuti vagone kuita sarudzo dzakanaka pakurima kwavo.

Kazhinji mvura ikange yanaya, varimi vakawanda vanotanga kumhanya mhanya, vamwe ndivo vanozongodyara nekuti vaona vamwe vachidyara.

Asika, ngaticherechedzei kuti mimwe mwaka yakadarika mvura yainaya zvakasiyana munharaunda imwe chete chero pamunda mumwe chete saka mvura inogona kunaya zvakasiyana paminda iri munharaunda imwe chete.

Mwaka uchitanga, varimi vazhinji vanenge vachibvunza kuti, “Saka mvura yanaya iyi inomeresa mbeu here?”

Mhinduro tinoiwana bedzi kana tiine rain gauge apo patirikuti isu kana mvura ichinge yanaya 35mm pamazuva matatu akatevedzana, ndipo patingakwanise kudyara. Izvi zvinoitawo kuti tizive kuti kana tikadyara, mbeu dzedu dzinomera zvakanaka.

Hezvinoi zvinhu zvinokosha zvinofanira kuzivikanwa nemurimi kuti abudirire pakurima kwake:

1) Ziva mwaka wako. Kureba kana kupfupika kwemwaka kunoda kuzivikanwa chose kuitira kuti murimi azive mhando yembeu yekushandisa.

2) Ziva ivhu rako. Murimi akangwara ndeuyo anoziva kuti ndekupi kudya kunowanikwa muvhu rake uye zvii zvingade kuwedzerwa muvhu imomo.

3) Ziva murimisi wako. Zvakanaka chose kuti murimi ave nehukama hwakanaka nevarimisi vake. Hurumende, kubudikidza nebandiko reAgritex, ine varimisi vazhinji uye Seed Co inewo varimisi mumatunhu akasiyana avo varipo kubatsirana nevarimi.

4) Ziva mbeu yako. Murimi ngaazive mbeu inoenderana nenharaunda yaanorimira. Panguva ino apo varimi vari kuita besanwa vachimhanyidzana kunotenga mbeu, ndipo panoda kuratidzwa uchenjeri.

Muchidimbu, tikatadza kusarudza mbeu yakanaka mwaka uchitanga, tagadzira dambudziko remwaka wose uye tinenge tapara mhosva iyo yatinozoripa musi wekukohwa.

KuSeedco tinoti, “Zvinotanga nembeu chaiyo” uye varimi ngatitorei kurima sebhizimisi.

Mbeu dzenyu vadiwa varimi, dzavamo muzvitoro zvakasiyana uye ngatiitei besanwa tichinotenga marain gauge edu uye nembeu yeSeed Co yakauchikwa zvine unyanzvi. Gore rino, zvokwadi nzara ichaona pfumvu.

Omega Chigwanda murimisi weSeed Co kudunhu reManicaland Province uye anobatika pa0779037751

Related Posts

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Akazviuraya adyiwa neKandege

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuGokwe, mudunhu reMidlands, akazivisa nezvemurume wechidiki anonzi akazviuraya nekunwa muchetura mushure mekudyiwa mari yebasa nenjuga yeKandege. Kuzivakwashe Gava (22) — uyo aibva kwaSabhuku…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×