‘. . . Bulawayo ngaingwarire’

Thandeka Moyo-Ndlovu ari kuBULAWAYO NZVIMBO yeElangeni Training Centre iri kuBulawayo yakavhurwa zvakare nemusi weMuvhuro uno zvichitevera kukwira kuri kuita huwandu hwevanhu vari kuwanikwa vaine chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa muguta iri.…

Covid-19: Zim yoita ongororo

Tandayi Motsi ZIMBABWE iri mushishi yekuita ongororo izere pamusoro pechirwere cheCovid-19 kubvira pachakatanga muna Kurume wegore rino, matanho akatorwa mukuchirwisa pamwe chete nemamiriro ezvinhu pari zvino (inter-action review). Vachitaura pachirongwa…

Shanyai munyika menyu – Ndlovu

HURUMENDE inoti zvakakosha kutsigira chikamu chezvekushanyirwa kwenyika kuburikidza nekukurudzira vanhu vemuZimbabwe kuti vabvakachire nzvimbo dzinoyevedza dzemuno sehwaro hwekumutsiridza chikamu ichi zvichitevera kudzorerwa kwachakaitwa kumashure nekunyuka kwechirwere cheCovid-19.

Kuchengetedzwa kwevana veECD

SANGANO rinotsigira dzidzo yevechidiki, reZimbabwe Network of Early Childhood Actors (ZINECDA), rakabatana nereEducation Coalition of Zimbabwe (ECOZI) muchirongwa chekusimudzira dzidzo yeEarly Childhood Development (ECD) panguva iyo zvakaonekwa kuti vana vegwaro iri vanoda kuchengetedzwa kwakasimba kuti vasatapurirwe chirwere cheCovid-19.

N’anga nemaporofita vofundiswa zveCovid

VARAPI vechivanhu nevemachechi vari pasi pesangano reZimbabwe National Practioners Association (ZINIPA) nemusi weChina wadarika vakadzidziswa nzira dzavangabatsire nadzo mukurwisa chirwere cheCovid-19.

‘KuBuhera munotigonera’

MUDZVITI weBuhera, kuManicaland, ari kutenda nhengo dzedare reParamende dzemudunhu iri nekubatana kwavo neruzhinji nemamwe masangano uye nemapazi eHurumende mukurwisa chirwere cheCovid-19.

Kuchengetedzwa kwevana pakushandisa internet

Munyori weKwayedza SEMWANA, ndinokwanisa kuita zvinhu zvizhinji padandemudande (internet) zvinosanganisira kutamba mitambo, kutaura neshamwari, kusangana neshamwari dzakasiyana-siyana nekuwana ruzivo rwakawanda rwunosanganisira zvedzidzo nezveupenyu. Ndine kodzero yekusununguka, kufara nekuongorora zvese zvandingada…

Mumwezve mwana oshaikwa

Kingstone Mapupu KUNE mumwezve mwana anonzi akashayika zvakare kudunhu raMangwende, kwaMurehwa. Izvi zvinotevera kupondwa kwemumwezve mwana mwedzi wapera, Tapiwa Makore (7), uyo ane mutumbi wakazonhongwa asi wakabviswa musoro, maoko nemakumbo.…

Akazvarira mumugodhi….mvura ichimusvika muhuro…akachekwa rukuvhute arimo

Muchaneta Chimuka MUNYAYA inoshamisa nekusuwisa, ichiita kunge bhaisikopo, mudzimai wechidiki wemuHarare akarwadziwa nepamuviri painge pakwana, ndokubuda mumba kaverevere achibva anozviwidza mumugodhi wemuvakidzani une mvura umo akarwarira kwemaawa maviri, ndokuzosununguka mwana…

Juju pakamba yemapurisa

Tendai Gukutikwa YAKAVE batai-batai pakamba yemapurisa yeMutare Central Police Station svondo rapera apo mumwe murume — uyo ane nhare yakange yatorwa nemapurisa emumugwagwa — anonzi akaudza mupurisa kuti vaite mhiko…

×