N’anga nemaporofita vofundiswa zveCovid

Muchaneta Chimuka
VARAPI vechivanhu nevemachechi vari pasi pesangano reZimbabwe National Practioners Association (ZINIPA) nemusi weChina wadarika vakadzidziswa nzira dzavangabatsire nadzo mukurwisa chirwere cheCovid-19.

Vachitaura pamusangano wakaitirwa muguta reHarare, Sekuru Friday Chisanyu – avo vanova mutungamiriri wesangano iri – vanoti varapi vechivanhu vari panyatwa yekutapurirwa kana kutapurira chirwere cheCovid-19 sezvo vachishanda neveruzhinji.

“Kubvira pakatanga chirongwa che’lockdown’ mumwedzi waKurume, tanga tigere kudzimba zvekuti uno ndiwo musangano wedu wekutanga. Taona zvakakosha kuti tigoverane mashoko echirwere cheCovid-19 nekuti hachisati chapera munyika muno nokudaro chinofanira kudzivirirwa,” vanodaro.

Sekuru Chisanyu vanoti, “Varapi vedu vazhinji havana ruzivo maringe nechirwere ichi, saka kana tikasavafundisa tinenge tiri kuuraya nyika nekuti chikamu che80 percent chevarwere avo vanozoenda kuzvipatara nemakiriniki vanenge vatombotanga nekuenda kumasowe kana kudzin’anga.”

Vanoti vanovapakurira nhengo dzavo dzidziso yavanowaniswa nebazi rezveutano nekurerwa kwevana.

“Nhasi tafundisa varapi vedu nyaya dzeutsanana kuti vanofanira kugara vaine sipo kana masanitiser mumatare kana pamasowe pavo kuitira kuti vose vanoda kubatsirwa vatange vageza maoko avo.

“Hatichatendera zvekare vanhu vanomhoresana nen’anga kana nemaporofita edu nemaoko asi kuti munhu anongoombera ari kwaagere uye ari chinhambwe chemita,” vanodaro Sekuru Chisanyu.

Vanotizve kuungana kumakereke hakuchadiwa nokudaro vanhu vanosungirwa kuumba mapoka vachipanana zvijana zvekunonamata vari muhushoma.

“Mamasiki tinoti ngaapfekwe nekuti tava kuona vazhinji vachifamba vasina sezvinonzi Covid-19 yakapera. Bazi rezveutano nekurerwa kwevana neveWorld Health Organisation havasati vazivisa kuti chirwere ichi chapera,” vanodaro.

Mbuya Joyce Nhambura, avo vanova murapi wechivanhu, vanoti misangano yerudzi urwu inovabatsira neruzivo rwekuti vakwanise kuzvichengetedza mubasa ravo.

“Tinowanawo ruzivo rwekuzodzidzisa vanoda kushandirwa nesu kana kutofundisawo vamwe vanhu munharaunda dzatinogara vanenge vasina kupfeka semamasiki,” vanodaro.

Kuchiti Sekuru Peter Maponda vanoti kusaziva kwakafanana nekufa nokudaro dzidziso iyi ichavabatsira mukuchengetedza upenyu hwavo nehwevavanorapa.

“Ndadzidza kuti Covid-19 haina rusarura, nokudaro kunyangwe uri n’anga huru kana muporofita mukuru, inokubata uye haisati yawanirwa mushonga. Saka vanhu vanofanira kutevedza mitemo nezvavanofundiswa neveutano kuti vazvidzivirire,” vanodaro.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×