Covid-19 yakanganisa vanorarama nehurema
SANGANO rinorwira kodzero dzemadzimai ane vana vakaremara, reZimbabwe Parents of Handicapped Children Association (ZPHCA) rakatanga chirongwa chekuvabatsira nekuita mabhindauko anosanganisira kuvandudza zvirimwa vachigadzira zvakasiyana panguva ino nyika yakatarisana nechirwere cheCovid-19.
Unonzi ‘MUSHA’ NaTafadzwa Shamba…‘Akaba nhumbi dzamai vafa’ – Ndokupaza dzimba dzose
Nyaya naKingstone Mapupu Mifananidzo naKudakwashe Hunda CHIVANZE chose anongova masora nemarara. Dzimba dzakapera kudhirika zvidziro nematenga. Imwe yacho yasara imire ine denga rehuswa rave kuwaranyuka. Chine upenyu chasara bedzi pane…
‘Babamukuru vakaticheka nerakagomara’
Nyaya naKingstone Mapupu BABA vemwana wemakore manomwe okuberekwa wekwaMurehwa uyo akapondwa nechinangwa chinofungidzirwa kuti ndechekuchekeresa vanoti vakagurwa kunorira uye zvinovarwadza kunzwa kuti mukoma wavo ane chekuita nenyaya iyi. Tapiwa Makore…
Musha waTapiwa Makore
MUSHA waTapiwa Makore (Snr) (57) uyo ari kupomerwa kuponda sazita mwana wemunin’ina wake anova, Tapiwa Makore (Jnr) (7), achibatsirana nemufudzi wake wemombe Tafadzwa Shamba (40) unoratidza kuti wakatsvinda uye ndewe…
Rubatsiro kune vanhu vabatwa chibharo
Clarah Maregere Chikohora KUMBUNYIKIDZWA nenzira yakarerekera kubonde (sexual harassment) chiitiko chisingadikanwi chinoitika mumabasa uye chinobvira pamashoko nekubatwa kwenhengo dzemuviri nechisimba zvinoita kuti munhu ashungurudzike mupfungwa uye zvichikanganisa mashandiro akanaka pamabasa.…
Akafira Mari yeroora
Samuel Kadungure MUSHA uri munzvimbo yeMasvosva, pedyo nedhorobha reRusape, svondo rapera wakaputirwa nekusuwa kukuru zvichitevera kupondwa kwemurume saimba nembavha dzaive dzakapakata zvombo dzichida mari yeroora pamwe chete nemari inobviswa nevanhu…
‘Ndinofara kuti nhabvu yadzoka’
Abel Ndooka MUTAMBI wenhabvu wemaWarriors neNAPSA Stars yekuZambia, Dennis Dauda, anoti kugara asingatambe bhora kwange kuchirwadza asi ave kunzwa mufaro sezvo mitambo yekunyika iyi yave kutanga. Kubva pakamiswa nhabvu pasi…
Covid-19 yavhiringa mitambo muzvikoro
Abel Ndooka SANGANO reNational Association of Schools Heads (NASH) riri kuchema kuti gore rino vana vanotamba mitambo yakasiyana vakarasikirwa zvikuru zvichitevera kumbomiswa kwakaitwa mitambo yose nechinangwa chekurwisa kupararira kweCovid-19 izvo…
Zviri mugapu: Mabumbe: Nyama pachezvayo
Muchaneta Chimuka MABUMBE kudya kunogadzirwa nemhodzi dzemanhanga kana mapudzi idzo dzinodzvurwa, dzosvinwa dzisati dzabikwa. Mhodzi dzemanhanga dzinogona kukuiwa, dzoitwa zvimusuva zvinozobikwa zvakamandana kudaro. Kana zvaibva, zvinodyiwa seusavi zvichinzi mabumbe kana…
Ruzivo rwechivanhu nemamiriro emwaka
Muchaneta Chimuka KUBVA pasichigare, pane nzira dzechivanhu dzaishandiswa kuti vanhu vazive mamiriro achange akaita mwaka sekuti mvura ichanaya yakawanda here kana kuti iri shoma. Nzira idzi dzinosanganisira kuongorora maberekero emichero…











