Maonero Edu: Kudeura ropa hakupfumise
NYAYA yekupondwa kwakaitwa mwana aive nemakore manonwe ekuberekwa wekwaMambo Mangwende, kwaMurehwa, nguva pfupi yadarika uyo mutumbi wake wakazowanikwa usina musoro, maoko nemakumbo ose yakonzera kuzengezana munyika yose.
Masope odzidziswa mabhindauko
Muchaneta Chimuka SANGANO rinomiririra vanhu vane husope reZimbabwe Albino Association svondo rapera rakaita zvidzidzo zvemazuva matatu muguta reHarare richidzidzisa nhengo dzaro dzevechidiki mafambisirwo emabhizimusi nenzira inopa pundutso panguva ino nyika…
Mudarikwa obatsira zvikoro
Kingstone Mapupu ZVIKORO zvinosvika 54 zvekuUzumba kudunhu reMashonaland East zvobatsirwa nemidziyo yakasiyana yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 nemumiriri wenzvimbo iyi mudare reNational Assembly, Cde Simbaneuta Mudarikwa vachibatsirana nebazi rezveutano nekurerwa kwevana…
WFP yobatsira vanotambura
SANGANO reUnited Nations World Food Programme (WFP) rakatanga chirongwa cheUrban Social Assistance Programme chekubatsira vagari vemumadhorobha nemari yekuti vabatsirike kurarama.
Makumbo emwana awanikwa muchimbuzi
MUNYAYA isati yatsinhirwa nemapurisa, pane makumbo emwana awanikwa ari muchimbuzi nemapurisa kwaNyamutumbu, kwaMurehwa ayo anofungirwa kuti anogona kunge ari emwanakomana weko uyo akapondwa masvondo maviri adarika.
Maponderwo akaitwa mwana…‘Ndakatanga ndamudhakisa nekachasu’
MUFUDZI wemombe Tafadzwa Shamba — uyo akasungwa nemhosva yekuponda mwana anonzi Tapiwa Makore (7) kubhuku raMakore, kwaMambo Mangwende, kwaMurehwa, ndokucheka-cheka nhengo dzemuviri wake dzinosanganisira musoro, makumbo nemawoko — anoti akatanga adhakisa mwana uyu nekachasu asati amuuraya.
Mapurisa vovhima n’anga
MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) vanoti vari kutsvaga nemaziso matsvuku Tsikamutanda (n’anga) uyo anonzi ndiye akapihwa musoro wemwana akapondwa nemufudzi wemombe kwaMambo Mangwende, kwaMurehwa.
Vomhanya kudzosera mushonga wekuromba…apa n’anga yacho yakafa
VAGARI vekuMakuni, kuRushinga, svondo rapera vakasara vasina neremuromo apo mutumbi weimwe n’anga yeko — iyo yakafa nekurwara — wakangotorwa pamusha payo kaverevere ndokunovigwa pakati pehusiku kusina anoziva.
N’anga yakabvutirwa ‘simbi’ dzebasa…yakundikana kubhadhara pfambi
N’ANGA yechidiki yekuInyathi, kuMatabeleland North, inonzi yakatorerwa bhegi rayo rainge rizere hakata, mishonga nemimwe midzoyo yebasa rayo nemumwe mukadzi anoita basa rekutengesa muviri apo sangoma uyu akaramba kumubhadhara mari mushure mekusasana vose.










