‘Ndinofara kuti nhabvu yadzoka’

Abel Ndooka

MUTAMBI wenhabvu wemaWarriors neNAPSA Stars yekuZambia, Dennis Dauda, anoti kugara asingatambe bhora kwange kuchirwadza asi ave kunzwa mufaro sezvo mitambo yekunyika iyi yave kutanga.

Kubva pakamiswa nhabvu pasi rose, kusanganisira kuZambia, senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19, Dauda ange angogara kunyika iyi.

Muchinda uyu akambobuda pachena kuti kugara pamba kwaimuremera achiti asuwa nhabvu uye mhuri yake iri kuZimbabwe.

Muhurukuro neKwayedza svondo rino ari kuZambia, Dauda anoti kudzoka kwenhabvu kunyika iyi, iyo inotarisirwa kutanga nemusi wa17 Gumiguru, kwaunza mufaro mukuru kwaari sezvo ange asuwa zvikuru mutambo uyu.

“Handidi kunyepa, nhabvu ndange ndaisuwa zvikuru, kuramba ndakangogara kwange kwave kurema. Isu sevatambi venhabvu tinoraramiswa nemutambo uyu saka kana tisingatambe manje hupenyu hwedu hunobva hwatiremera.

“Mitambo yeZambian League iri kutanga musi wa17 Gumiguru saka ndagadzirira kutanga kwayo,” anodaro Dauda.

Pachatanga mitambo yeZambian League yemwaka uno, Dauda anenge ave kutambira chikwata chitsva cheNapsa Stars icho chakamutenga kubva kuLusaka Dynamos.

Anoti ari kutarisira kutanga kutamba nhabvu kuchikwata chake chitsva ichi uye anoshuvira kuhwina mikombe yakawanda nacho.

“Ndave kutanga hupenyu hutsva kuNapsa Stars, shuviro yangu kuhwina mikombe yakawanda,” anodaro.

Dauda, uyo akambohwina mubairo weSoccer of the Year mugore ra2014 apo aitambira ZPC Kariba, anoti shuviro yake ndeye kuzotambira kuEurope mune remangwana.

Anoti acharamba achishanda nesimba kusvikira awana mukana uyu.

Apo paakaita Soccer Star of the Year, akamboenda kumbonozama mhanza yake kuchikwata cheGabala, kuAzerbaijan.

“Mutambi wese wenhabvu shungu dzake kuti rimwe remazuva azotambirawo kuEurope uye iniwo ndini mumwe wacho anozvishuvira. Kana zvikazoitikawo, ndinovimba mukana uchauya kwandiri ndoendawo kuEurope,” anodaro.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×