Musha waTapiwa Makore

MUSHA waTapiwa Makore (Snr) (57) uyo ari kupomerwa kuponda sazita mwana wemunin’ina wake anova, Tapiwa Makore (Jnr) (7), achibatsirana nemufudzi wake wemombe Tafadzwa Shamba (40) unoratidza kuti wakatsvinda uye ndewe chizvino-zvino.

Tapiwa Makore (Snr) anonzi anorarama upenyu hweshoroma zvekuti vanhu vemudunhu iri vaisiita marikicho muminda yake.

Hama dzake dzinoti hadzaimbofungira kuti angasvike pakupara mhosva yaari kupomerwa iyi.

VaBarnabas Makore (49) vanoti mumwe wevanhu vaiita maricho pamba paTapiwa Makore (Snr) vachigadzira munda wanga uchida kuitwa chirongwa chekurima muriwo.

Musha waTapiwa Makore (Snr)

“Mukoma wedu uyu aiita basa rekutyaira matekisi kuHarare uye aigara kumba kwevabereki vake kuMufakose. Vadzimai vake variko kuHarare ikoko asi kusvika nanhasi havasati vauya kuzochema mwana. Tapiwa Makore (Snr) akauya kuno kumusha achiti akanga abatana neimwe kambani (zita tinaro) kuti varime makabichi nemumwe muriwo vachitengesa,” vanodaro VaBarnabas Makore.

VaTobias Makore (46), avo vakataura vakamira Sabhuku Makore, vanotsinhira nyaya yemushandirapamwe wekurima pakati paTapiwa Makore (Snr) nekambani iyi.

“Mukoma Tapiwa akagoboresa munda wepamba pake akatora zvakare munda wemupatya wake akarimisa zvichiitwa naTafadzwa Shamba nevamwe vemuno mumusha. Izvozvi pakatotarwa maraini ekuti padyarwe.

“Imba yake yekubikira yakapfirirwa nehuswa hwakachekwa naamai vemwana wavanonzi vakaponda uyu,” vanodaro VaTobious Makore.

Tapiwa Makore (Snr) anonziwo anopfuya huku dzemazai nedzenyama kumba kwavo kuMufakose.

Related Posts

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Akazviuraya adyiwa neKandege

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuGokwe, mudunhu reMidlands, akazivisa nezvemurume wechidiki anonzi akazviuraya nekunwa muchetura mushure mekudyiwa mari yebasa nenjuga yeKandege. Kuzivakwashe Gava (22) — uyo aibva kwaSabhuku…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×