Covid yatovhura mikana: Varimi

MABASA ekurima kuminda yemadiridziro yeCashel Valley iri kwaMutambara, kuChimanimani, anonzi asimukira zvikuru panguva yekunge vanhu vagere kudzimba nekuda kwechinangwa chekurwisana nedenda ranetsa pasi rose reCovid-19.

‘Mhuri yaKilimanjalo tiri kukwangwaya’

MHURI yemutambi wetsiva akaita mukurumbira munyika muno nepasi rose – Proud “Kilimanjaro” Chinembiri – inoti upenyu hwavaomera zvekuti vari kudya nhoko dzezvironda.

ZVICHANGOBVA KUITIKA: Moto wakaparadza panotandarira vanhu . . . paStephen Margolis

Nzvimbo yekutandarira nemafaro, yeStephen Mangolis, iri muHarare, yakaparadzwa chimwe chikamu chayo nemoto wesango.

KUSUNDA MIMBA URI MUCHIKORO: Mutemo mutsva wobvumirwa . . .

VERUZHINJI pamwechete nemasangano anomirira varairidzi vari kupa mafungiro avo akasiyana zvichitevera kudzikwa kwemutemo weEducation Amendment Act uyo unorambidza kudzingwa kwevananasikana vanenge vamitiswa vachiri pachikoro uye kuti vadzidzisi havatenderwe kuranga vana vechikoro nekuvarova.

‘Rufu rwaunza donhodzo’

CHEMBERE yekuNyanga yange yasvitsa makore 115 ekuberekwa — iyo nguva pfupi yadarika yakabuda pachena kuti yakauraya vanhu vanodarika gumi vemhuri yayo mukati memakore 10, yakafa svondo rapera.

Zvikoro hazvisati zvava kuvhurwa

BAZI redzidzo yepuraimari nesekondari riri kurambisisa mashoko ari kutenderera pamadandemutande anosanganisira WhatsApp ekuti zvikoro zvichavhurwa pakati pemusi wa2 na15 Gunyana gore rino.

Coronavirus: 80pc vapona

HUWANDU hwevanhu vari kupona kuchirwere cheCovid-19 muZimbabwe huri kuramba huchikwira uye kusvika nemusi weChipiri chikamu chinodarika 80 percent chevarwere vedenda iri vakange vatonaya.

‘Hosha yaratidza kukosha kweICT’

KUUYA kwechirwere cheCovid-19 kwaburitsa pachena kukosha kwenyaya dzekushandisa makombiyuta nedandemutande (Information Communication Technology) mukusimudzira upfumi hwenyika uye Hurumende iri kutora matanho akasimba ekuti chikamu ichi chivandudzwe.

Zvotoda mararamiro matsva

NYANZVI dzezveutano dzinoti vanhu vachakunda muhondo yekurwisa chirwere cheCovid-19 ndeavo vasiyana nemararamiro akare uye vave kurarama upenyu hutsva kuburikidza nekutevedzera matanho akatarwa ekumisa denda iri.

Covid-19 mashura padunhu

VAVERENGI vanotevera Bembera Padare vanogona kunge vave kuona dingindira rinofamba nedare rino, mungave mumusha, mudunhu, mumakambani edu, pamwe nemunyika yedu, inova nyaya yengozi yatinosorerwa nevamwe.

×