Mupurisa akanwa muchetura

Muchaneta Chimuka

MUPURISA weZimbabwe Republic Police (ZRP) uyo ange achigara kuMabvuku, muguta reHarare, anonzi akazviuraya nekunwa muchetura.

Chikonzero chakaita kuti atore upenyu hwake hachisati chave kuzivikanwa.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanotsinhira nezverufu rwaConstable Spencer Savanhu vachiti vakafa nemusi weChina wadarika.

“Tine mupurisa akarasikirwa neupenyu mushure mukunwa muchetura. Akangowanikwa akarara pasi achibva aendeswa kuchipatara uko zvakaonekwa kuti pane mapiritsi aainge anwa ane muchetura uye ainge atofa nechekare,” vanodaro.

Vanopokana nemashoko ari kutenderera pamadandemutande anosanganisira paWhatsApp anoti mupurisa uyu ainge adyirwa mari yake nemagevha anoita zvekukweretesa mari kuti ibereke (pyramid investment scheme).

“Zvekuti akanga any’udzwa mari yake nepyramid scheme izvozvo hatina kuziviswa hedu. Tinogoziva nyaya yekuti mupurisa wedu akafa nemuchetura uye tinoyambira veruzhinji kuti vachengetedze upenyu nekuti kuzviuraya handiko kunogadzirisa dambudziko rinenge riripo,” vanodaro.

Related Posts

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Akazviuraya adyiwa neKandege

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuGokwe, mudunhu reMidlands, akazivisa nezvemurume wechidiki anonzi akazviuraya nekunwa muchetura mushure mekudyiwa mari yebasa nenjuga yeKandege. Kuzivakwashe Gava (22) — uyo aibva kwaSabhuku…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×