Kingstone Mapupu
MADZIMAI makumi maviri vekunharaunda yeMarirangwe, kuBeatrice, vanoti vari kubatsirikana zvikuru nechirongwa chekubika chingwa nemabhanzi vachitengesa panguva ino apo vanhu vari kukurudzirwa kuti vagare kudzimba nechinangwa chekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.
Chirongwa ichi chinonzi chakatangwa nerubatsiro rwemudzimai wemutungamiri wenyika First Lady Amai Auxillia Mnangagwa avo vakaita kuti pave nedzidziso yezvemabhindauko aya nechinangwa chekuti madzimai nemhuri dzavo vawane raramo.
VaClever Chimwanja (54), avo vaimbova kanzura mudunhu iri kwemakore akawanda, ndivo vari kutungamirira chirongwa ichi.
“Kuburikidza nemudzimai wemutungamiri wenyika Amai Auxillia Mnangagwa, kwakasarudzwa madzimai anokwana makumi maviri avo vakanodzidziswa kubika chingwa nemabhanzi nezvimwe senzira yekuti vakwanise kuzviriritira panguva ino apo vanhu vagere kudzimba,” vanodaro VaChimwanja.
Vanoti chirongwa ichi chiri kutsigirwawo nemumiriri wedunhu reSeke mudare reNational Assembly, Cde Munyaradzi Tobias Kashambe.
Madzimai aya chavo kutenga zvinhu zvinodiwa zvinosanganisira flour, mafuta, munyu neshuga mukuita mabhindauko aya.
“Madzimai aya vave kutengesa chingwa nemabhanzi munharaunda ino uyewo kune vamwe vanouya vachihodha,” vanodaro VaChimwanja.
Mabhindauko aya vanoti ari kubatsira zvikuru sezvo zvakaonekwa kuti mudzimba zhinji mange musisina kumira zvakanaka kuburikidza nekurudziro iri kuitwa yekuti vanhu vagare kudzimba senzira yekumisa kupararia kweCovid-19.
“Pazuva, munhu mumwe chete anokwanisa kubika dhazeni rechingwa nemabhanzi izvo zvose zvinopera kutengwa.”
VaChimwanja, avo vanove murimi muMarirangwe, vanoti vari kushingairawo kuti vanhu vemudunhu ravo vawane mabasa munguva ino yeCovid-19.
“Tave kuita gadziriro yekurima sezvo mwaka weZhizha wava pedyo.”
VaChimwanja vanoti vari kubatsiranawo nevamwe vatungamiri veko kupa vashandi vepakiriniki yeMarirangwe mamasiki nemagirovhosi.
“Tine vashandi vanokwana 24 pakiriniki yeMarirangwe avo takapa mamasiki nemagirovhosi zvekuti vashandise. Kunewo madhumeni emuno vatakabatsira nezvimwechetezvo kuitira kuti vashande vakachengetedzeka,” vanodaro.



