Covid yakanganisa karate

Abel Ndooka

SANGANO reZimbabwe Karate Union rinoti kumiswa kwakaitwa mitambo yakasiyana nekuda kweCovid-19 kwave kukonzeresa kuti vamwe vechidiki varase hunhu sezvo vachiswera vachingodzengerera mumigwagwa.

Mutevedzeri wemutungamiri weZKU, Shihan Tawanda Mufundisi anoti hupenyu hwevatambi vekarate vazhinji hwakakanganiswa zvikuru sezvo vachirarama kuburikidza nemutambo uyu.

  Anoti mitambo yakaita sekarate inobatsira vechidiki kuti vagone kuzvibata muhupenyu hwavo uye kuvafundisa kuti vasiyane nezvinodhaka.

“Tine vechidiki vakawanda vatange tichishanda navo tichifundisa karate asi iye zvino tave kuvatyira nekuti kumiswa kwakaitwa mitambo uye kuvharwa kwemagym vave kuswera vachingodzungaira mumigwagwa.

“Mitambo iyi yaishandiswa senzira yekubatsira vechidiki kuti vabve mumigwagwa vasaswere vachingomberereka nekuti ndipo vanopedzisira vave kufurirana kuita zvenhando, mongoziva vechidiki kana vakaswera vasina zvekuita panoitwa mabasa makuru ipapo,” anodaro Shihan Mufundisi.

Anoenderera mberi achiti sesangano, vakanyorera kuHurumende vachikumbira mvumo yekuti vavhure madojo vatange kuita gadziriro dzavo dzekarate asi vasingaronge mitambo.

Anoti mutambi wekarate anofanirwa kugara achiita gadziriro dzake nguva nenguva sezvo mutambo uyu uchidzidzisa kuzvibata uye kuzvininipisa.

“Mutambi wekarate anofanirwa kugara ari mudojo achiita gadziriro dzake, mutambo uyu unobatsira zvakawanda zvinosanganisira kuzvibata chaiko.

“Isu vamwe tairarama kuburikidza nekukwikwidza uye kumbopihwa mabasa ekushanda ekuchengetedza vanhu asi zvese zvakaenda mudondo nekuti coronavirus yakauya, shuwa yakatiurayira basa,” anodaro.

Related Posts

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Akazviuraya adyiwa neKandege

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuGokwe, mudunhu reMidlands, akazivisa nezvemurume wechidiki anonzi akazviuraya nekunwa muchetura mushure mekudyiwa mari yebasa nenjuga yeKandege. Kuzivakwashe Gava (22) — uyo aibva kwaSabhuku…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×