Vatsigiri vopemhera vatambi mari

Abel Ndooka

VATSIGIRI venhabvu vezvikwata zvakasiyana vobatana mukubatsira vatambi vemutambo uyu kuburikidza nekuunganidza mari nechikafu zvekuti vawane raramo.

Mitambo mizhinji, kusanganisira nhabvu, pari zvino yakambomiswa nechinangwa chekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Izvi zvaita kuti vatambi vakawanda vaomerwe nehupenyu sezvo vachiwana raramo yavo kubva kumutambo wenhabvu.

Mutungamiriri wesangano reFriends of the Warriors, Edward Chimedza, anoti sevatsigiri venhabvu vari kuita musangano svondo rino pamasai-sai (virtual meeting) apo vachakurukura nemasangano akasiyana evatsigiri vachironga kuti vobatsira sei vatambi venhabvu panguva ino.

“Isu tine rudo nemutambo wenhabvu uye kutaura chokwadi chirwere cheCovid-19 chakanganisa zvakawanda. Saka isu sevatsigiri venhabvu tiri kubatsirawo nepatinogona vatambi vakasiyana panguva ino zvinhu zvakaoma kudai,” anodaro Chimedza.

Mashoko ake anotsinhirwa naChris “Romario” Musekiwa anove organising secretary wesangano reZimbabwe National Soccer Supporters Association achiti kuuya kweCovid-19 kwakanganisa zvakawanda munyika muno nepasi rose.

“Hatina kumbozvifungira kuti tingasvike patave iye zvino munyika zvinhu zvakaoma kudai zvakonzereswa neCovid-19. Asi isu tinoziva nhabvu ichitiunzira mufaro mukuru kwazvo kwatiri uye ichitibatanidza nevanhu vakawanda.  Saka nehuwandu hwedu tiri kurangana kuti tigobatsirawo vatambi vakasiyana kuburikidza nekuvatsigira chikafu.

“Nguva yatiri yakaoma saka tinofanira kuvarangarirawo vazive kuti isu vatsigiri vavo tine rudo navo,” anodaro.

Anoti ngachive chidzidzo chikuru kuzvikwata zvinokwikwidza muPremier Soccer League kuti zvinofanira kugara zvakarongeka zviine homwe yemari kuitira kuti kana zvinhu zvaoma senguva ino yoshandiswa mukubatsira vatambi.

“Zvikwata zvedu ngazvidzidze kubva pane zviri kuitika nekuda kwehutachiona hwecoronavirus kuti mune ramangwana ngavagare vakagadzirira vane homwe yekubatsira vatambi kana zvinhu zvaoma sezvatiri kusangana nazvo iye zvino,” anodaro Romario.

Related Posts

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Akazviuraya adyiwa neKandege

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuGokwe, mudunhu reMidlands, akazivisa nezvemurume wechidiki anonzi akazviuraya nekunwa muchetura mushure mekudyiwa mari yebasa nenjuga yeKandege. Kuzivakwashe Gava (22) — uyo aibva kwaSabhuku…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×