Tasunga vanhu 139 000 – ZRP

Kingstone Mapupu
VANHU vanosvika 139 270 vasungwa nemapurisa eZimbabwe Repulic Police (ZRP) munyika yose nemhosva dzekutyora mitemo ine chekuita nekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 kubva munaKurume kusvika pari zvino.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti vanhu ava vakasungwa mushure mekutyora mitemo inosanganisira kuti veruzhinji vasafambe husiku pakati penguva dza6 dzemanheru kusvika na6 dzemangwanani, kusapfeka mamasiki, kushandisa makombi ari kutakura vanhu zvisiri pamutemo, kungomberereka nekuungana zvisina tsarukano.

“Kubva mumwedzi waKurume kusvika nhasi (Chishanu) 14 Nyamavhuvhu, tasunga vanhu vanokwana 139 270 nekuda kwemhosva dzine chekuita nekutyora mitemo yakananga kurwisa Covid-19,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vanoti kune mabhawa ari kuvhurwa husiku, zvidhakwa zvichitoita pungwe zvichinwa doro zvinova zviri kurambidzwa neHurumende sezvo mabhawa akanzi asashande pari zvino senzira yekuedza kumisa Covid-19.

“Mabhawa akanzi asashande izvozvi, saka tine vanhu vatasunga avo vari kuvhura mabhawa husiku zviri kupesana nemitemo yenyika. Tinewo vamwe vasati vave kuda kupfeka mamasiki vanoda kumanikidzwa nemapurisa kuita izvi.

“Munyika tine ‘curfew’ zvakare inoti kubva na6 zuva rodoka kusvika na6 mangwanani vanhu havabvumirwe kufamba, kunze chete kwevane matsamba anovabvumira kuita izvi. Asi, kune vamwewo vane matsamba ekubika emanyepo avo tiri kusunga.”

Asst Comm Nyathi vanoenderera mberi vachiti, “Unonzwa vamwe vanhu vachiti vari kushungurudzwa nemapurisa asi ivo vasungwa vasina kupfeka mamasiki kana kuti vachifamba husiku vasina magwaro. Tiri kusunga, hatina mhosva kuti uri ani kana kuti unozivana nani nekuti chionai kukwira kuri kuita Covid-19 munyika.

“Hatigone kungoyeva tichipera kufa nekurwara nekuda kwevanhu vasingade kutevedzera mitemo yenyika.”

Vanoti kune vamwe vemachechi zvakare vari kutyora mitemo yeHurumende kusanganisira nguva dzinofanirwa kunamatwa.

“Mutemo wakadzikwa unobvumidza vanamati kuva pachechi nenguva dzinobvira na8 mangwanani kusvika na3 masikati uye vasingadarike makumi mashanu. Kubva nguva iyoyo mumachechi kana pamasowe hapabvumirwe vanhu, imhosva ukawanikwa uripo.

“Zvino tinonzwa kuti kune vamwe vemachechi emapositori vari kutowanikwa vachirara kumasowe, hazvibvumirwe uye tiri kuvasunga.”

Asst Comm Nyathi vanotiwo panguva ino mbavha nemakororo vari kuwanda.

 

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×