Ngatisaregerere miviri: Zvirekwi
Abel Ndooka MUTAMBI weCAPS United, Hardlife Zvirekwi, anoti panguva ino nhabvu isiri kutambwa zvakakosha kuti vatambi vezvikwata zvakasiyana zvinokwikwidza muCastle Premiership vachengetedze miviri yavo. Senzira yekudzivirira kupararira kwehutachiona hwecoronavirus hunokonzera…
‘Covid-19 yatipinza munzara’
Abel Ndooka SHASHA yemutambo wekusimudza masimbi ekuvaka muviri (body-building), Regina Jonga anoti madzimai mazhinji ari mune zvemitambo ari kukwangwaya panguva ino izvo zvakonzereswa nechirwere cheCovid-19 sezvo chiri kutadzisa kuti mitambo…
Mutemo wewanano uripo uchienzaniswa neuri kugadzirwa
Geraldine Kabaya MUTEMO mutsva uri maringe newanano unopa musiyano wewanano yekumatare edzimhosva neyechivanhu (civil and customary marriage). Wanano yekumatare iyo inosungira murume kuva nemudzimai mumwe chete, yava kungoshanda maringe nemutemo…
Une chikosoro? …gara hako kumba …chaya nhare 2019
Tandayi Motsi BAZI reutano nekurerwa kwevana riri kukurudzira vanhu vose vane zviratidzo zvakafanana nezvechirwere cheCovid-19 sechikosoro, dziwa nekunetseka pakufema kuti vagare kudzimba senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi. Kurudziro iyi iri…
Vakaremara vakabatsirwa
Muchaneta Chimuka VANA vakaremara mitezo vemuguta reHarare, Chitungwiza neEpworth, avo vane vabereki vanorarama nekupemha pamwe chete nekuita mabasa emawoko – vakapihwa zvekudya nesangano rakazvimirira reMisereor panguva iyo vabereki vavo vasiri…
Covid-19: ‘Siyanai nerusarura’
Muchaneta Chimuka VERUZHINJI vokurudzirwa kuti vasasarure vanhu vanenge vavhenekwa ndokuwanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus kana chirwere cheCovid-19. Vachitaura pamusangano wavakaita nevatori venhau, Dr Vonai Chimhamhiwa avo vanoona nezveutano hweveruzhinji (Public Health…
‘Tisakanganwe zvimwewo zvirwere’
Kingstone Mapupu MAMBO Chireya vekuGokwe, kudunhu reMidlands, vanoti apo nyika ino nepasi rose rakatarisana nekurwisa chirwere cheCovid-19, kunofanirwa kutorwawo matanho ekupedza kana kumisa zvimwewo zvirwere zvagara zvichitambudza vanhu. VaHenry Chidzivo…
Vamwe vonwa sanitiser
VAMWE vanhu vari kudzoka muZimbabwe vachibva kunze kwenyika vanonzi vari kuisa utano hwavo panjodzi huru nekunwa kwavari kuita mushonga unoshandiswa kubvisa kana kuuraya hutachiona – sanitiser – senzira yekupedza kudhinhikana kunounzwa nekugarisa munzvimbo dziri kuchengeterwa vanhu ava apo vanenge vachivhenekwa chirwere cheCovid-19.
‘Siyai zvekuitisa maextra lessons’
HURUMENDE inoti iri kushushikana nezviri kuitwa nemamwe maticha ayo ari kuitisa vana vechikoro zvidzidzo zvema”extra lessons” zvisiri pamutemo izvo zvinovaisa panyatwa yechirwere cheCovid-19.
Coronavirus: Idi nemanyepo
HAKUNA chikonzero chekuti vanhu vabvume kuti kutonhora kwakanyanya kana mamwe mamiriro ekunze angauraya utachiona hweCovid-19.










