Dexamethasone nekurapa Covid
Muchaneta Chimuka PANGUVA iyo pasi rose razengezana nekuda kwechirwere cheCovid-19, icho chisati chawanirwa mushonga wekuchirapa, dzimwe nyanzvi dzekuUnited Kingdom dzinonzi dzakawana mushonga unobatsira varwere vari kutambudzwa nedenda iri. Nyanzvi idzi…
Vari kudzoka kuZim vowanda
Patrick Chitumba ZVIURU nezviuru zvevanhu vemuZimbabwe avo vange vapererwa nekushaya pokutangira vari kuChina, United States nekune dzimwe nyika dzinosanganisira South Africa nekuda kwemutemo wekuti veruzhinji vasafamba-famba pasi rose senzira yekudzivirira…
Votakura vanhu husiku
MUMIRIRI weBuhera South mudare reNational Assembly, Cde Joseph Chinotimba, vanoyambira vedzimotokari kusanganisira marori nemagonyeti avo vanonzi vari kutakura vanhu husiku mudunhu ravo vachivaendesa sekuHarare nekwaMutare kuti vasiyane netsika iyi panguva iyo nyika yakatarisana nechirwere cheCovid-19.
Votsigira mabasa eutano
SANGANO reEuropean Union (EU) neSweden vari kuita mabasa ekutsigira nyaya dzeutano muZimbabwe kuburikidza nekusimbaradza homwe yeHealth Development Fund (HDF) panguva iyo nyika ino iri kurwisa kupararira kweCovid-19.
‘Ndadya hama 10’… ‘Dzosai mombe dzangu’
Liberty Dube ari kwaMUTARE CHEMBERE yekuNyanga inoti yakonzera kufa kwevanhu vanodarika 10 vemumhuri vanosanganisira vana vayo nevekumhuri kwayakaroorwa mukati memakore gumi adarika. Nguva pfupi yadarika, chembere iyi yakakwira muchimwe chikomo…
10kg yehupfu iri kuita $70
Munyori weKwayedza NECHINANGWA chekuda kuti hupfu hwemugaiwa, uho hunoshandiswa neruzhinji, hurambe huine mutengo wakaderera we$70 pa10kg, Hurumende yawedzera mari yainobhadhara kumakambani anohugaya kubva pa$73,90 kuenda pa$216,15. Gurukota remaindasitiri, Dr Sekai…
Covid-19 yasunga zvinhu: Katsande
Abel Ndooka MUTAMBI weKaizer Chiefs yekuSouth Africa, Willard Katsande, anoti asuwa zvikuru nhabvu zvekuti kana akanzi atambe munhandare isina vatsigiri anoenda achimhanya. Pasi rose nhabvu yakambenge yamiswa nekuda kwechirwere cheCovid-19…
Covid-19 yava kutoda Mwari
VANHU vemuZimbabwe nemusi weMuvhuro uno vakabatana muchirongwa chekunamata nekutsanyira nyika kuti Mwari vapindire nekupa mazano ane hungwaru mukupedza dambudziko rechirwere cheCovid-19. Kusvika nemusi weMuvhuro uyu, nyika ino yange yava nevanhu…
Mapositori akavhura mwana (17) mimba
Muchaneta Chimuka MAPURISA ekuBindura anoti ari kuferefeta rufu rwemwanasikana ane makore 17 ekuberekwa uyo anonzi akashaika achisununguka apo ainge aendeswa ku”chitsidzo” kunobatsirwa madzimai emapositori veJohanne Marange. Pane mashoko ari kuferefetwa…
Madiridziro nembeu dzeSeedCo
Kazembe Maocha MUMWAKA uno wechando, varimi vane mukana wekudiridzira zvekuti rinongowe bishi kudyara mbeu dzemuchando. Pambeu idzi ndipo panowanikwa mbeu yakakosha kunyika uye pasi rose – mbeu yegorosi (wheat). Nekuda…











