Covid-19: Unozviziva here?

MUMWEDZI waZvita gore rapera, munyika yeChina makanyuka chirwere chinodaidzwa kuti Coronavirus kana kuti Covid-19 icho pari zvino chapararira kunyika dzakawanda dzepasi rose — kusanganisira muZimbabwe.

Corona yatikanya: Prince Dube

MUTAMBI weHighlanders nemaWarriors — Prince Dube —  anoti chirwere checoronavirus kana kuti Covid chadzorera nhabvu yake kumashure sezvo ange achitarisira kunokwikwidza kumakwikwi eAfrican Nations Championships (CHAN) 2020 ayo akazomiswa nekuda kwedenda iri.

Voronga ‘Kick-out coronavirus’

SHASHA dzetsiva dzemuno dziri kuronga kuzoita mutambo wekuunganidza mari yekubatsira kurwisa chirwere cheCovid-19 icho chazunguza pasi rose nekubata uye kuuraya vanhu vakawanda.

Zim maita zvakanaka: AU

SANGANO reAfrican Union (AU) rinorumbidza matanho ari kutorwa neZimbabwe mukurwisa chirwere cheCoronavirus kana kuti Covid-19.

Seed Co yopa mibairo kuvarimi

AIVA makuwerere nemusi weChishanu vhiki rapera pashure apo Zimbabwe Agricultural Society (ZAS) yakatsigirwa nemakambani anosanganisira Seed Co pakupemberera kuhwina kwakaita VaMatingo mubairo wekutanga kuZAS.

Dzinga Covid-19 nekugara kumba

MUTUNGAMIRIRI wenyika President Mnangagwa nemusi weChishanu chadarika vakatura mashoko anokosha zvikuru apo vakati kwemazuva 21 ari kutevera — kutanga Muvhuro 30 Kurume — vanhu vose vemuZimbabwe vagare kudzimba, kusanganisira vashandi.

Tingapedze matambudziko sei?

KUBVIRA pasichigare, vanhu pasirose vanotsvaga mhinduro kune zvinhu zvose zvinovapa dambudziko pakurarama kwavo. Mhinduro idzi inzira dzekurerutsa matambudziko avanosangana nawo muupenyu hwavo.

Kukwidza nekudzika vachikwiridzira dzihwa

TAITA dambudziko risiri rekutamba naro sekutamba kwatinoita bhora tichiseka.

Veruzhinji vari mudzimba

Vanyori veKwayedza VERUZHINJI vatevedzera zvakataurwa nemutungamiri wenyika President Mnangagwa kuti vagare mudzimba kwemasvondo matatu anotevera sedanho rekurwisa nekuderedza kupararira kwechirwere cheCovid-19 kuvamba nemusi weMuvhuro, 30 Kurume. Nezuro — zuva rekutanga…

Zvinoreva ‘lockdown’

Farirayi Machivenyika MUTUNGAMIRIRI wenyika President Mnangagwa nemusi weChishanu vakazivisa kuti vanhu vachambomira kufamba-famba, vogara mudzimba kwemazuva 21 — kwemasvondo matatu azere — kutanga nemusi weMuvhuro uno (30 Kurume) sedanho rekurwisa…

×